ShonaTeam Job « 22 »

Erifazi anoti uipi hwaJobho hwakakura

22Zvino Erifazi muTemani wakapindura ndokuti:

2 Ko munhu angabatsira Mwari here? Nokuti wakachenjera iye angazvibatsira pachake.

3 Mufaro here kune Wemasimbaose kuti wakarurama? Kana rubatsiro kuti wakapedzeredza nzira dzako?

4 Angakutsiura here nekuda kwekutya kwako? Achapinda newe kumutongo?

5 Uipi hwako hahusi ukuru here, nezvivi zvako hazvina mugumo?

6 Nokuti wakatora chibatiso kuhama yako pasina, uye wakakumura nguvo dzeavo vakashama.

7 Hauna kunwisa mvura wakaneta, uye kune ane nzara wakanyima zvekudya.

8 Asi munhu ane simba, nyika ndeyake, neanogamuchirika pachiso wakagara mairi.

9 Wakaendesa chirikadzi dzisina chinhu, nemaoko enherera akapwanyiwa.

10 Naizvozvo misungo yakakupoteredza, nekuvhunduka kunokutyisa pakarepo.

11 Kana rima, kuti usaona, uye mvura zhinji inokufukidza.

12 Ko Mwari haako kwakakwirira kwematenga here? Zvino ona nhongonya yenyeredzi, kuti dzakakwirira.

13 Asi iwe unoti: Mwari anoziva sei? Anotonga nemugore dema here?

14 Makore matema chifunhiro chake kuti asaona; uye anofamba padenderedzwa rematenga.

15 Wakaongorora nzira yekare here, vanhu vakaipa yavakatsika pairi?

16 Avo vakabvutwa nguva isati yavapo; mafashame akadururwa pamusoro penheyo dzavo.

17 Avo vanoti kuna Mwari: Ibvai kwatiri. NeWemasimbaose wakaitei kwavari?

18 Zvino iye wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka; asi zano revakaipa riri kure neni.

19 Vakarurama vanoona, uye vanofara; uye vasina mhosva vanovaseka.

20 Zvirokwazvo, muvengi wedu waparadzwa, nemoto wapedza musiiwa wavo.

21 Shamwaridzana hako naye, uye uve nerugare; nezvinhu izvi zvakanaka zvichauya kwauri.

22 Gamuchira hako murairo kubva mumuromo wake, uye uise mashoko ake mumoyo mako.

23 Kana ukadzokera kune Wemasimbaose, uchavakwa; ubvisire kuipa kure netende rako.

24 Zvino uchaisa goridhe paguruva, negoridhe reOfiri pabwe rehova.

25 Ipapo Wemasimbaose achava goridhe rako, nesirivha rakanyatsosanangurwa kwauri.

26 Nokuti ipapo uchazvifadza mune Wemasimbaose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27 Uchanyengetera kwaari, zvino achakunzwa, uye uchazadzisa mhiko dzako.

28 Uchatemawo nyaya, uye ichasimbiswa kwauri; uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.

29 Kana vachiwisirwa pasi, zvino uchati: Pamusoro! Zvino achaponesa wakaderera pameso.

30 Achanunura asiri wakachena; uye achanunurwa nekuchena kwemaoko ake.