ShonaTeam Job « 21 »

Jobho anoti, vakaipa vanenge vanofara havo vasingatambudzwi naMwari, asi vachatongwa panguva inouya

21Zvino Jobho wakapindura ndokuti:

2 Inzwai muteerere shoko rangu; uye iyi ngaive nyaradzo dzenyu.

3 Ndiitirei moyo murefu, ini nditaure; zvino shure kweizvozvo ndataura, mungatuka.

4 Ini, kunyunyuta kwangu kuri kumunhu here? Zvino kana zvakadaro, sei moyo wangu usingapfupiswi?

5 Nditarirei, mugoshamisika, uye muise ruoko pamuromo.

6 Hongu, pandinorangarira, ndinovhiringidzwa; nekudedera kunobata nyama yangu.

7 Sei vakaipa vachirarama vave vakwegura, zvino vakure pasimba?

8 Mbeu yavo inosimbiswa pamberi pavo pamwe navo, nezvizvarwa zvavo pamberi pemeso avo.

9 Dzimba dzavo dzine rugare pasina kutya, uye pasina shamhu yaMwari pamusoro pavo.

10 Hando yake inokwira isingakonewi; mhou yake inobereka isingasvodzi.

11 Vanobudisa vanana vavo seboka remakwai; uye vana vavo vanotamba.

12 Vanosimudza inzwi nengoma nembira; vanofara neinzwi renyere.

13 Vanopedza mazuva avo muzvakanaka, uye vanoburukira muguva nekubwaira kweziso.

14 Naizvozvo vanoti kuna Mwari: Ibva kwatiri, nokuti hatishuvi ruzivo rwenzira dzako.

15 Wemasimbaose chii kuti timushumire? Zvino tichawanei kana tichinyengetera kwaari?

16 Tarirai, zvakanaka zvavo hazvimo muruoko rwavo; zano revakaipa riri kure neni.

17 Kangani mwenje wevakaipa uchidzimwa, uye kuparadzwa kwavo kuchiuya pamusoro pavo? Anovagovera matambudziko pakutsamwa kwake?

18 Vakaita semashanga pamberi pemhepo, uye sehundi dutu remhepo rainopeperesa?

19 Mwari anoisira vana vake dambudziko rake, anopa kwaari mubairo uye anoziva.

20 Meso ake achaona kuparadzwa kwake, uye achanwa zvekutsamwa kweWemasimbaose.

21 Nokuti mufaro wake chii muimba yake shure kwake, apo uwandu hwemwedzi yake hwagurwa?

22Aripo achadzidzisa Mwari ruzivo here, nokuti iye anotonga vari pamusoro?

23 Uyu anofa pasimba rake rakaperera, iye wose wakagadzikana, uye ane runyararo.

24 Pombi dzake dzizere nemukaka, nemongo wemapfupa ake wakanyorova.

25 Zvino umwe anofa ane mweya weupenyu unorwadza, asina kudya zvezvakanaka.

26 Vacharara pamwe muguruva, uye honye dzichavafukidza.

27 Tarirai ndinoziva ndangariro dzenyu, nemazano amunondikanganisa nawo.

28 Nokuti munoti: Iripi imba yemuchinda? Uye riripi tende renzvimbo dzekugara dzevakaipa?

29 Hamuna kubvunza here vanopfuura nenzira, uye hamuzivi zviratidzo zvavo here?

30 Kuti wakaipa anoregerwa pazuva rekuparadzwa; vachauiswa nezuva rekutsamwa.

31 Ndiani achazivisa nzira yake pachiso chake? Ndiani achatsiva zvaakaita?

32 Zvakadaro iye achauiswa kuguva, uye murwi wake ucharindwa.

33 Mavhinga emupata anomutapirira, uye anokweva vanhu vose shure kwake; sezvo vasingaverengeki vari mberi kwake.

34 Zvino munondinyaradza sei nezvisina maturo, nokuti pamhinduro dzenyu kwasara manyepo?