ShonaTeam Job « 20 »

Zofari anoti mufaro wevatadzi ndewenguva diki

20Zvino Zofari muNaama wakapindura ndokuti:

2 Naizvozvo ndangariro dzangu dzinondipindurisa, uye nekuda kwekukurumidza kwangu kuri mandiri.

3 Ndakanzwa murango wechinyadzo changu; nemweya wekunzwisisa kwangu wakandipindurisa.

4 Unoziva izvi here, kubva kare, kubva zvaiswa munhu panyika,

5 kuti mupururu wevakaipa mupfupi, uye mufaro wemunyepedzeri ndewechinguvana?

6 Kunyange ukuru hwake hukakwirira kusvika kumatenga, uye musoro wake ukananavira kumakore,

7 achaparara nekusingaperi sendove yake. Vakamuona vagoti: Aripi?

8 Achabhururuka sechiroto, uye haangawanikwi; hongu, achadzinganiswa sechiratidzwa cheusiku.

9 Ziso raimuona haringapamhi; nenzvimbo yake haingazomuonizve.

10 Vana vake vachatsvaka kufadza varombo, nemaoko ake achadzosera fuma yake.

11 Mapfupa ake azere simba reujaya hwake, asi acharara paguruva pamwe naye.

12 Kana uipi huchitapira mumuromo wake, achihuviga pasi perurimi rwake,

13 asingahuregedzi, uye asingahusii, asi achihuchengeta mukati memuromo wake.

14 Zvekudya zvake zviri muura hwake zvinoshandurwa; uturu hwenyoka hwuri mukati make.

15 Wakamedza fuma, asi achairutsa; Mwari achaibudisa mudumbu rake.

16 Achasveta uturu hwenyoka; rurimi rwemvumbi rwuchamuuraya.

17 Haangatarisi nzizi, hova, mipata yeuchi neruomba.

18 Zvaakashandira achazvidzosa, haangazvimedzi; zvichienderana nefuma uchadaro muripo, uye haangafari.

19 Nokuti wakamanikidza, akasiya varombo, akapamba imba yaaiva asina kuvaka.

20 Nokuti haazivi kudzikama mudumbu rake, haangaponesi pachishuwo chake.

21 Hakungasari chinhu pazvekudya zvake; nekuda kweizvozvi chakanaka chake hachingagari.

22 Mukuzara kwekukwana kwake, achava mumanikidzo; ruoko rwumwe nerwumwe rwemutambudziki rwuchamusvikira.

23 Zvichaitika, paanozadza dumbu rake, Mwari achatuma kupfuta kwekutsamwa kwake kwaari, uye achakunaisa pamusoro pake pakudya kwake.

24 Achatiza kubva pachombo chedare; uta hwendarira huchamuboora.

25 Anohuvhomora hobuda pamuviri; hongu nechinopenya chichabuda panduru yake; zvityiso zviri pamusoro pake.

26 Rima rose rakachengeterwa zvinhu zvake zvakavigika; moto usingapfutidzwi uchamupedza; zvichaipira vakasiiwa patende rake.

27 Matenga acharatidza uipi hwake, nenyika ichamumukira.

28 Zvakawanzwa zveimba yake zvichabva, zvikukurwe pazuva rekutsamwa kwake.

29 Uyu mugove wemunhu wakaipa unobva kuna Mwari, nenhaka yaakatemerwa naMwari.