ShonaTeam Job « 19 »

Jobho anoti Mwari anomuranga hake asi achazomurwira

19Zvino Jobho wakapindura ndokuti:

2 Kusvika rinhi muchitambudza mweya weupenyu wangu, nekundipwanya nemashoko?

3 Makandituka kagumi aka; hamunyari zvamunondiitira zvakaipa.

4 Kana zvirokwazvo chiri chokwadi kuti ndatadza, kutadza kwangu kuchagara neni.

5 Kana zvirokwazvo muchizvikudza pamusoro pangu, mupikisane neni nekutukwa kwangu,

6 zivai zvino kuti ndiMwari wakandiminamisa, uye wakandikomberedza nemumbure wake.

7 Tarirai ndinodana ndichiti: Zvakaipa! Asi handipindurwi. Ndinodanidzira, asi hakuna mutongo.

8 Wakashoshera nzira yangu, kuti ndisapfuura; uye wakaisa rima pamakwara angu.

9 Wakandikumura kurumbidzwa kwangu, ndokubvisa korona yemusoro wangu.

10 Wakandiputsa kumativi ose, zvino ndaenda, uye wadzura tariro yangu semuti.

11 Wakanditungidzira kutsamwa kwake, ndokundiverenga kwaari sevavengi vake.

12 Mauto ake anouya pamwe chete, ndokundiunganidzira nzira yawo, ndokudzika matende kupoteredza tende rangu.

13 Wakaisa vamwe vangu kure neni; nevazikanwi vangu zvirokwazvo vava vatorwa kwandiri.

14 Hama dzangu dzanyangarika; nevazikanwi vangu vandikanganwa.

15 Vanogara mumba mangu nevarandakadzi vangu vanondiverenga semutorwa; ndiri mweni pameso avo.

16 Ndakadana muranda wangu, asi haana kupa mhinduro; nemuromo wangu ndakaita mukumbiro kwaari.

17 Mweya wangu unosemesa kumukadzi wangu; ndava chinyangadzo kuvanakomana vechizvaro changu.

18 Nevana vadiki vanondizvidza; ndinosimuka, zvino vanotaura vachirwa neni.

19 Vadikanwi vangu vose vanondisema; nevandanga ndichida vanonditendeukira.

20 Pfupa rangu rinonamatira paganda rangu nepanyama yangu; zvino ndinopona neganda remeno angu.

21 Ndinzwirei tsitsi, ndinzwirei tsitsi, imwi shamwari dzangu; nokuti ruoko rwaMwari rwandibata.

22 Munondishushirei saMwari, uye musingagutsikani nenyama yangu?

23 Haiwa, dai ikozvino mashoko angu ainyorwa! Haiwa, dai aidhindwa pabhuku!

24 Dai aifomborwa nepeni yedare nemutobvu padombo rinhi narinhi.

25 Nokuti ini ndinoziva kuti mudzikunuri wangu mupenyu, uye pakupedzisira achamira paguruva.

26 Mushure ganda rangu raparadza ichi, zvakadaro panyama yangu ndichaona Mwari.

27 Ini wandichazvionera, nemeso angu achaona, kwete umwe. Itsvo dzangu dzapera mukati mangu.

28 Asi munoti: Sei tichidzingana naye? Nokuti mudzi wenyaya unowanikwa mandiri.

29 Imwi ityai munondo, nokuti kutsamwa kunouisa mirango yemunondo, kuti muzive kuti mutongo uripo.