ShonaTeam Job « 18 »

Bhiridhadhi anoti vakaipa vachaparadzwa

18Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:

2 Kusvika rinhi muchiisira mashoko zvidzingi? Cherekedzai, zvino pashure tichataura.

3 Sei tichiverengwa semhuka, takasvibiswa pameso enyu?

4Iwe mubvaruri wemweya weupenyu wake mukutsamwa kwake: Nyika ingasiiwa nekuda kwako kanhi? Kana dombo ribviswe panzvimbo yaro?

5 Hongu, chiedza chevakaipa chichadzimwa, nerubari rwemoto wake harwuvhenekeri.

6 Chiedza chichasviba mutende rake, nemwenje wake pamusoro pake uchadzimwa.

7 Nhambwe dzesimba rake dzichamanikidzwa, nezano rake richamuwisira pasi.

8 Nokuti anokandwa mumumbure netsoka dzake, anofambawo pamusoro pemuteyo.

9 Muteyo uchamubata nechitsitsinho; rudzingi rwuchamukurira.

10 Chishwe chakamuisirwa muvhu, nemusungo wake panzira.

11 Zvityiso zvichamutyisa mativi ose, uye zvinomudzinganisa patsoka dzake.

12 Simba rake richarumwa nenzara, nenjodzi yakamirira kugumburwa kwake.

13 Ichapedza mitezo yeganda rake; dangwe rerufu richapedza mitezo yake.

14 Tariro yake ichadzurwa patende rake; uye ichamufambisa kuenda kuna mambo wezvityiso.

15 Kuchagara mutende rake risiri rake; sarufa ichasaswa pamusoro penzvimbo yake yekugara.

16 Midzi yake ichaoma pasi, nedavi rake ritemwe kumusoro.

17 Chirangariro chake chichaparara kubva panyika, uye haangavi nezita panzira dzemumusha.

18 Achatinhwa kubva pachiedza kuende kurima; uye achadzingwa kubva panyika.

19 Haangavi nemwana kana chizvarwa pakati pevanhu vake; uye hakungavi nemusiiwa panzvimbo dzake dzekugara.

20 Vanomutevera vachavhunduswa nezuva rake; nevekutanga vachabatwa nezvityiso.

21 Zvirokwazvo, dzakadaro nzvimbo dzekugara dzewakaipa, uye iyi inzvimbo yeasina kuziva Mwari.