ShonaTeam Job « 17 »

Jobho anokumbira kuti Mwari amururamisire

17Mweya wangu waparara; mazuva angu adzimwa; makuva ndeangu.

2 Vaseki havapo pamwe neni here? Neziso rangu rinogara mukumukira kwavo.

3 Zvino isai chibatiso changu kwamuri; ndiani uyo acharova paruoko rwangu?

4 Nokuti moyo yavo yakavanzwa pakunzwisisa; naizvozvo hamungavakwiridziri.

5 Anotaurira shamwari dzake nekuda kwemubairo, nemeso evana vake achapera.

6 Zvino wakandimisa ndive tsumo yerudzi, kusvika ndava wakasvisvinwa pamberi parwo.

7 Uye ziso rangu rodzedzerera nekuda kwekutambudzika, nemitezo yangu yose yava semumvuri.

8 Vakarurama vachavhunduswa nazvo, neasina mhosva achamukira asingadi Mwari.

9 Zvino wakarurama achabatirira panzira yake, newakachena pamaoko achawedzera simba.

10 Asi imwi mose, dzokai, muuye ikozvino; nokuti handingawani wakachenjera pakati penyu.

11 Mazuva angu apfuura; vavariro dzangu dzadambuka, iyo fuma yemoyo wangu.

12 Vanomisa usiku huve masikati; chiedza chiri pedo pamberi perima.

13 Kana ndichirinda, guva richava imba yangu; ndawaridza mubhedha wangu murima.

14 Ndakadana kuguva ndichiti: Iwe uri baba vangu; kuhonye: Mai vangu nehanzvadzi yangu.

15 Zvino ikozvino tariro yangu iripi? Haiwa tariro yangu, ndiani achaiona?

16 Zvichaburukira kumazariro eguva, patichazorora pamwe muvhu.