ShonaTeam Job « 16 »

Jobho anochema njodzi yaanopiwa naMwari

16Zvino Jobho wakapindura, ndokuti:

2 Ndanzwa zvinhu zvizhinji zvakadai; vanyaradzi vanotambudza imwi mose.

3 Mashoko anongova mhepo ane mugumo here? Kana chii chinokurwarisai kuti mupindure?

4 Neniwo ndaitaura semwi kana mweya wenyu waiva pachinzvimbo chemweya weupenyu wangu; ndaiunganidzawo mashoko pamusoro penyu, nekukudzungudzirai musoro wangu.

5 Ndingadai ndaikusimbisai nemuromo wangu, uye kufamba kwemiromo yangu kwaitapudza marwadzo enyu.

6 Kunyange ndichitaura, marwadzo angu haatapudzwi; kana ndichirega, chii chinobva kwandiri?

7 Asi ikozvino iye wandinetesa; iwe waparadza ungano yangu yose.

8 Imwi mandiunyanisa, huve uchapupu; uye kuonda kwangu kwandimukira; kunopupura pachiso changu.

9 Kutsamwa kwake kunobvambura, uye anondivenga; anondigedera mazino ake; muvengi wangu anondirodzera meso ake.

10 Vakandishamisira muromo wavo; mukunyomba vakarova dama rangu; vanoungana pamwe kundirwisa.

11 Mwari anondipa kune vasakarurama, nekundikanda pamaoko evakaipa.

12 Ndaiva pakuzorora, asi iye wakandivhuna; akandibata nemutsipa, ndokundiputsanya; akandimisa kuva chinangwa chemupotseri chake.

13 Vafuri vemiseve vake vanondikomba; anopamura itsvo dzangu, uye haaregi; anodurura nduru yangu pasi.

14 Anondikoromora nekukoromora pamusoro pekukoromora; anomhanyira kwandiri seane simba.

15 Ndakasonera masaga paganda rangu; ndakaroverera runyanga rwangu muguruva.

16 Chiso changu chitsvuku nekuchema, uye pazvidziviro zvemeso zvangu pane mumvuri werufu.

17 Kunyange pasina chikuriri pamaoko angu, uye munyengetero wangu wakachena.

18 Nyika, rega kufukidza ropa rangu; uye kuchema kwangu ngakusava nenzvimbo.

19 Naikozvino, tarirai, chapupu changu chiri kumatenga, uye mupupuri wangu ari panzvimbo dzakakwirira.

20 Shamwari dzangu vanyombi vangu; ziso rangu rinodonhedzera kuna Mwari.

21 Dai kwaiva neanokumbirira munhu kuna Mwari, semwanakomana wemunhu kune wekwake.

22 Nokuti makore mashoma achasvika, uye ndichafamba nzira yandisingazodzoki nayo.