ShonaTeam Job « 14 »

Jobho anotaura pamusoro pekutambudzika kwemunhu

14Munhu wakazvarwa nemukadzi ane mazuva mapfupi, uye azere dambudziko.

2 Anobuda seruva, ndokusvava; anotizawo semumvuri, uye haamiri.

3 Ko wakadai mungamuzarurira meso enyu; ndokundipinza pakutonga pamwe nemwi.

4 Ndiani angapa chinhu chakachena kubva pane chakasviba? Hakuna neumwe.

5 Mazuva ake zvaakatarwa, uwandu hwemwedzi yake huri kwamuri, imwi makatara miganhu yake kuti asapfuura.

6 Regai kumucherekedza, kuti azorore, kusvika afadzwa nezuva rake semushandi wakahaiwa.

7 Nokuti pane tariro pamuti kana uchitemwa, kuti uchatungazve, kuti bukira rawo haringaperi.

8 Kunyange mudzi wawo ukakwegurira muvhu, nehunde yawo ikafa muguruva,

9 nekunhuhwira kwemvura unotunga, ndokuita matavi semuti mudiki.

10 Asi murume anofa ndokuradzikwa pasi; zvirokwazvo munhu anopera, zvino aripi?

11 Mvura inoenda kubva mugungwa, uye rwizi runopwa ndokuoma.

12 Naizvozvo munhu anorara pasi, akasamuka; kusvika matenga asisiko havangamuki, kana kusimudzwa kubva pahope dzavo.

13 Haiwa dai maindivanza paSheori, kuti mundichengete pakavanda kusvika kutsamwa kwenyu kwadzokera, munditemere nguva yakatarwa, mundirangarire.

14 Kana munhu afa angararamazve here? Nguva dzose dzehondo dzangu ndichamirira, kusvika kusunungurwa kwangu kwasvika.

15 Muchadana, ini ndichakupindurai, muchashuva basa remaoko enyu.

16 Asi ikozvino munoverenga nhambwe dzangu; hamuchenjereri pachivi changu.

17 Chitadzo changu chakasungirwa muhombodo, munodzudzura pamusoro peuipi hwangu.

18 Zvirokwazvo gomo rinowa rinopfupfunyuka, uye dombo rinofamba kubva panzvimbo yaro.

19 Mvura inochera mabwe; nhuruka dzayo dzinokukura guruva renyika. Zvino munoparadza tariro yemunhu.

20 Munomukunda nekusingaperi, agoenda; munoshandura chiso chake, uye munomuendesa.

21 Vana vake vanokudzwa iye asingazivi; kana vanoderedzwa, asi asingazvitarisi.

22 Asi nyama yake iri pamusoro pake iri pamarwadzo, nemweya weupenyu wake unochema mukati make.