ShonaTeam Job « 13 »

Jobho anofunga kuti wakarurama

13Tarirai, zvose ziso rangu raona, nzeve yangu yanzwa uye yazvinzwisisa.

2 Zvichienderana neruzivo rwenyu, iniwo ndinoziva; handisi pasi penyu.

3 Asi ini ndichataura kune Wemasimbaose, uye ndinoshuva kukakavadzana naMwari.

4 Asi zvirokwazvo imwi vadzudzuri venhema, mose muri varapi pasina.

5 Haiwa! Dai muchinyarara zvachose! Zvino zvichava kwamuri uchenjeri!

6 Inzwai henyu kuzvidavira kwangu, uye teererai kugakava remiromo yangu.

7 Muchataurira Mwari nezvakaipa here, nekumutaurira nekunyengera?

8 Muchagamuchira chiso chake here? Muchamukakavadzira Mwari here?

9 Zvichava zvakanaka here paanokunzverai? Kana muchamunyengera here sekunyengera munhu?

10 Zvirokwazvo achakutsiurai, kana pakavanda muchigamuchira zviso.

11 Ukuru hwake hahungakutyityidzirii, kutyisa kwake ndokukuwirai here?

12 Zvirangaridzo zvenyu itsumo dzemadota, zvitaviro zvenyu zvitaviro zvevhu.

13 Nyararai, ndiregei, kuti nditaure ini, uye chipi nechipi chigondipfuura.

14 Ndichatorerei nyama yangu mumazino angu, nemweya wangu ndiise muruoko rwangu?

15 Kunyange akandiuraya, ndichatarisira iye. Asi ndichamiririra nzira dzangu pamberi pake.

16 Ndiyewo achava ruponeso rwangu, nokuti munyepedzeri haangauyi pamberi pake.

17 Nzwisisai shoko rangu, netsananguro yangu nenzeve dzenyu.

18 Tarirai henyu, ndaronga nyaya yangu zvakanaka; ndinoziva kuti ini ndichanzi handina mhosva.

19 Ndiani achapikisana neni? Nokuti ikozvino ndichinyarara ndichapera.

20 Koga usaita zviviri kwandiri; ipapo handingazvivanzi kubva pachiso chenyu.

21 Bvisirai ruoko rwenyu kure neni; uye kutyisa kwenyu kusandivhundusa.

22 Zvino muchadana, uye ini ndichapindura; kana nditaure mugondipindura.

23 Zvingani zvakaipa nezvivi zvangu? Ndizivisei chitadzo changu nechivi changu.

24 Munovanzirei chiso chenyu, mondibata semuvengi wenyu?

25 Munovhundusa shizha rinopepereswa here? Zvino muchadzingirirana nehwindi yakaoma here?

26 Nokuti manyora zvinhu zvinorwadza kurwisana neni, mukandiita ndigare nhaka yezvakaipa zveujaya hwangu.

27 Munoisawo tsoka dzangu mumatanda, ndokucherekedza nzira dzangu dzose; ndokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.

28 Zvino iye sechinhu chakaora anopera, senguvo zvipfukuto zvayakadya.