ShonaTeam Job « 12 »

Jobho anozvidavirira

12Zvino Jobho wakapindura ndokuti:

2 Nokuti zvirokwazvo muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemwi.

3 Iniwo ndine moyo semwi; handisi mudiki kwamuri. Zvino ndiyani kwaari kusina zvinhu seizvi?

4 Ndiri ari chiseko kushamwari yake, anodana kuna Mwari achimupindura; uyo asina mhosva uye wakarurama chiseko.

5 Mwenje unozvidzwa mumirangariro yewakachengetedzeka; wakagadzirira vanotedzemuka netsoka.

6 Matende emakororo ane rugare, uye vanotsamwisa Mwari vakachengetedzeka, uyo muruoko rwake Mwari anouisa.

7 Asi zvirokwazvo bvunzai henyu mhuka, zvino dzichakudzidzisai, neshiri dzematenga, zvino dzichakuudzai.

8 Kana taurai kunyika, zvino ichakudzidzisai; nehove dzegungwa dzichakurondedzerai.

9 Ndiani asingazivi pazvinhu izvi zvose kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

10 Uyo muruoko rwake mune mweya weupenyu wechipenyu chimwe nechimwe, nemweya wenyama yose yemunhu.

11 Nzeve haiidzi mashoko, semukanwa unozviravirira zvekudya here?

12 Kuvakwegura kune uchenjeri, nepakureba kwemazuva pane kunzwisisa.

13 Kwaari kune uchenjeri nesimba; ane zano nekunzwisisa.

14 Tarirai, anokoromora, uye hapangavakwizve; anopfigira munhu, uye hapangazarurwi.

15 Tarirai, anodzivisa dzimvura idzo ndokuoma; uye anodzituma, idzo ndokupidigura nyika.

16 Kwaari kune simba neuchenjeri; wakanyengerwa uye munyengeri ndevake.

17 Anoendesa vapi vemazano vapambiwa, agoita vatongi vave mapenzi.

18 Anosunungura chisungo chemadzimambo, ndokusunga bhanhire pazviuno zvavo.

19 Anoendesa vapristi vakapambiwa, uye anowisa vakasimba.

20 Anokamura mutauro wevakatendeka, nekubvisa kunzwisisa kwevakura.

21 Anodurura kushora pamusoro pemachinda, nekutembenudza bhanhire revane simba.

22 Anofukura zvinhu zvakadzika kubva parima, uye anobudisira kuchiedza mumvuri werufu.

23 Anokurisa marudzi, ndokuaparadza; awanze marudzi, ndokuabvisa.

24 Anobvisa moyo wemisoro yevanhu venyika, ndokuvadzungairisa murenje musina nzira.

25 Vanotsvangadzira murima pasina chiedza, anovadzedzeresa sechidhakwa.