ShonaTeam Job « 11 »

Zofari anoti Jobho wakatadza

11Zvino Zofari muNaama wakapindura ndokuti:

2 Uwandu hwemashoko hahupindurwi here? Uye mutaurisi anganzi haana mhosva here?

3 Kurotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Paunohomera, pasinawo anokunyadzisa.

4 Nokuti wakati: Dzidziso yangu yakarurama, uye ndakachena pameso enyu.

5 Asi zvakadaro dai Mwari ataura, ndokuzarura miromo yake kwauri;

6 kuti akuzivise zvakavanzika zveuchenjeri, kuti zvakapetwa kaviri neuchenjeri hwechokwadi. Zvino ziva kuti Mwari anodana kwauri zvishoma pamhosva yako.

7 Ungawana kudzama kwaMwari here? Ungawana Wemasimbaose kusvika pakuperera here?

8 Zvakakwirira sekumatenga; ungaitei? Zvakadzika kupfuura gehena; unozivei?

9 Chiyero chazvo chakareba kupfuura nyika, uye chakapamhama kupfuura gungwa.

10 Kana akapfuura, ndokupfigira kana kuunganidza, ndiyani angamudzivisa?

11 Nokuti iye anoziva vanhu pasina, uye anoona uipi; naizvozvo haangachenjereri here?

12 Nokuti munhu dununu angava wakachenjera, kunyange munhu angaberekwa semhuru yembongoro yesango.

13 Kana iwe wakagadzirira moyo wako, uye wakatandavadzira maoko ako kwaari;

14 kana uipi huri muruoko rwako, huise kure, uye usarega kudarika kuchigara mumatende ako.

15 Nokuti ipapo uchasimudza chiso chako usina gwapa, uye wakasimba, uye hautyi.

16 Nokuti iwe uchakanganwa dambudziko, unorangarira semvura dzapfuura.

17 Kureba kweupenyu hwako huchajeka kupfuura masikati makuru; kunyange kwasviba, kuchava semangwanani.

18 Zvino uchava nechivimbo, nokuti kune tariro; uchatsvaka, ucharara mukuchengetedzeka.

19 Ucharara, uye hakuna angakubvundisa; nevazhinji vachagombedzera pachiso chako.

20 Asi meso evakaipa achapera; neutiziro huchaparara kubva kwavari; netariro yavo ichava kupera kwemweya.