ShonaTeam Job « 10 »

Jobho anochema neupenyu hwake

10Mweya weupenyu wangu waneta neupenyu hwangu; ndichasiya kunyunyuta kwangu pamusoro pangu; ndichataura mukurwadza kwemweya weupenyu wangu.

2 Ndichati kuna Mwari: Musanditi ndine mhosva. Ndizivisei kuti sei muchipikisana neni.

3 Zvakanaka kwamuri here kuti mumanikidze, kuti muzvidze basa remaoko enyu, mugovhenekera pamusoro pezano revakaipa?

4 Mune meso enyama here? Munoona sekuona kwemunhu here?

5 Mazuva enyu akafanana nemazuva emunhu here? Makore enyu akafanana nemazuva emunhu here;

6 zvamunobvunza zveuipi hwangu, nekunzvera zvechivi changu?

7 Zvichienderana neruzivo rwenyu kuti handisi mutadzi; asi hakuna anonunura paruoko rwenyu.

8 Maoko enyu akandiumba nekundiita pamwechete nhivi dzose, zvakadaro munondimedza.

9 Rangarirai henyu kuti makandiita sevhu; uye muchandidzosera muguruva here?

10 Hamuna kundidurura semukaka here, nekundikodzeka semukaka wakakora?

11 Makandifukidza neganda nenyama, ndokundisunganidza nemapfupa nemarunda.

12 Makandiitira upenyu netsitsi, uye hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.

13 Asi izvi makazvivanza mumoyo menyu; ndinoziva kuti ichi chiri mamuri.

14 Kana ndichitadza munondicherekedza, uye hamungandiregi ndisina mhosva pachivi changu.

15 Kana ndiri wakaipa, ndine nhamo; kana ndakarurama, handingasimudzi musoro wangu. Ndizere nenyadzi, naizvozvo onai kurwadziwa kwangu.

16 Nokuti kunozvikudza; seshumba munondivhima. Modzoka mozviita anoshamisa kwandiri.

17 Munovandudza uchapupu hwenyu kurwisana neni, uye munowedzera kutsamwa kwenyu kundipikisa; shanduko nehondo zvineni.

18 Zvino makandibudisirei pachizvaro? Dai ndaiva ndapera, uye ziso risina kundiona.

19 Ndaizova sekuti ndaiva ndisipo; ndingadai ndakatakurirwa kuguva kubva muchizvaro.

20 Mazuva angu haasi mashoma here? Zvino gumai, uye ndiregei, kuti ndifare zvishoma;

21 ndisati ndaenda ndikasazodzoka, kunyika yerima nemumvuri werufu;

22 nyika yerima guru, serima; mumvuri werufu, pasina kurongeka, uye inobwinya serima.