ShonaTeam Job « 8 »

Bhiridhadhi anoraira Jobho kuti adzokere kuna Mwari

8Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:

2 Kusvika rinhi uchitaura zvinhu izvi, uye mashoko emuromo wako ave mhepo ine simba?

3 Mwari angaminamisa mutongo here? Kana Wemasimbaose angaminamisa zvakarurama here?

4 Kana vana vako vakamutadzira, iye ndokuvarasira muruoko rwechitadzo chavo.

5 Kana iwe ukashingairira kutsvaka Mwari, kuita mukumbiro wako kuna Wemasimbaose;

6 kana wakachena uye wakarurama, zvirokwazvo ikozvino waimuka nekuda kwako, ndokumutsidzira nzvimbo yekugara yekururama kwako.

7 Kunyange kutanga kwako kwaiva kudiki, zvakadaro kuguma kwako kuchakura kwazvo.

8 Nokuti bvunza hako zvezera rekutanga, ugogadzirira tsvakurudzo yemadzibaba avo.

9 Nokuti tiri vazuro, uye hatizivi, nokuti mazuva edu panyika mumvuri.

10 Havangakudzidzisi here, vakuudze, vabudise mashoko kubva mumoyo wavo?

11 Ko nhokwe ingakura pasina nhope here? Rutsanga rwungakura pasina mvura here?

12 Rwuchiri paunyoro hwaro, rwusati rwadzurwa, zvakadaro rwunosvava kutangira mirivo yose.

13 Ndizvo zvakaita nzira dzevose vanokanganwa Mwari; uye tariro yevanyepedzeri ichaparara.

14 Tariro yake ndiyo ichagurwa, uye chivimbo chake mambure edandemutande.

15 Achasendama paimba yake, asi haingamiri; achaibatirira, asi haingamuki.

16 Iye mutema pamberi pezuva, uye bukira rake rinobudira pamusoro pebindu rake.

17 Midzi yake yakapomberwa pamurwi, anoona nzvimbo yemabwe.

18 Kana achimuparadza panzvimbo yake, zvino ichamuramba ichiti: Handina kukuona.

19 Tarira, uyu mufaro wenzira yake, uye kubva muguruva vamwe vanokura.

20 Tarira, Mwari haangarasi wakaperera, uye haabati ruoko rwevaiti vezvakaipa.

21 Kusvika azadza muromo wako nekuseka, nemiromo yako nekudanidzira kwemufaro.

22 Avo vanokuvenga vachafukidzwa nenyadzi; uye tende revakaipa haringazovipo.