ShonaTeam Job « 7 »

Pakuchema kwake Jobho anobvunza kuti Mwari anomuisirei mumatambudziko

7Hakuna hondo kumunhu panyika here? Uye mazuva ake haana kuita semazuva ewakahaiwa here?

2 Semuranda anoshuva mumvuri, uye sewakahaiwa anotarisira muhoro wake,

3 saizvozvo ini ndakagariswa nhaka yemwedzi isina maturo, uye usiku hwedambudziko hwakaverengerwa ini.

4 Pandinorara pasi ndinoti: Ndichamuka rinhi? Nokuti usiku hwakareba; uye ndizere kubidirika kusvika koedza.

5 Nyama yangu yakafukidzwa nehonye nemavhinga eguruva. Ganda rangu rinofunuka, uye rinoyerera urwa.

6 Mazuva angu anokurumidza pane chirukiso chemuruki, uye anopera pasina tariro.

7 Rangarira kuti upenyu hwangu imhepo; ziso rangu harichazoonizve zvakanaka.

8 Ziso rewakandiona harichazondioni; meso ako ari pamusoro pangu, asi handichazovipo.

9 Gore rinopera ndokunyangarika; saizvozvo anoburukira kuguva haangakwiri.

10 Haangadzokerizve kumba kwake; nenzvimbo yake haingazomuzivizve.

11 Saka handingabati muromo wangu; ndichataura pakutambudzika kwemweya weupenyu wangu; ndichanyunyuta pakurwadziwa kweupenyu hwangu.

12 Ndiri gungwa kanhi, kana bukanana regungwa, kuti mundiisire murindi?

13 Kana ndikati: Mubhedha wangu uchandinyaradza, nhovo yangu ichazorodza kunyunyuta kwangu;

14 zvino munondityityidzira nehope, uye munondivhundusa nezviratidzo;

15 kuti mweya weupenyu wangu usarudze kudzipwa, rufu kupfuura mapfupa angu.

16 Ndinousema; handingararami kusvika rinhi narinhi; ndiregei; nokuti mazuva angu haana maturo.

17 Munhu chii kuti mumukudze, uye kuti muise moyo wenyu kwaari,

18 uye kuti mumushanyire mangwanani oga-oga, mumuedze nguva imwe neimwe?

19 Kusvika rinhi musingaregi kundicherechedza, musingandiregi kusvika ndamedza mate angu?

20 Ndakatadza, ndichaitei kwamuri, imwi murindi wevanhu? Mandiisirei sechakanangwa kwamuri, kuti ndive mutoro kwandiri?

21 Zvino munoregerei kukanganwira chitadzo changu, nekubvisa uipi hwangu? Nokuti ikozvino ndicharara pasi muguruva; muchanditsvaka zvikuru, asi handingavipo.