ShonaTeam Job « 6 »

Jobho anoshuva kufa nokuti shamwari dzake hadzina hanya naye

6Zvino Jobho wakapindura ndokuti:

2 Haiwa, dai kurwadziwa kwangu kwaiyerwa zvekuyerwa, nedambudziko rangu raiiswa pamwe pachikero!

3 Nokuti ikozvino zvingarema kupfuura jecha remakungwa. Naizvozvo mashoko angu ndeekumhanyirira.

4 Nokuti miseve yeWemasimbaose iri mandiri, uturu hwawo mweya wangu unohunwa; zvityiso zvaMwari zvinozvirongedzera kundirwisa.

5 Mbongoro yesango inokuma here pabumhudza? Nzombe ingaomba pazvekudya zvayo here?

6 Kuti chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here? Pane kuzipa pazvichena zvezai here?

7 Mweya weupenyu wangu unoramba kuzvibata; zvakaita sezvekudya zvangu zvinosemesa.

8 Haiwa, dai chikumbiro changu chasvika, uye Mwari ape tariro yangu;

9 kuti zvifadze Mwari kundipwanya, aregedzere ruoko rwake, uye andigure.

10 Ipapo zvichagara zvive nyaradzo yangu, ndaizofara pamarwadzo asingaregi; nokuti handina kuviga mashoko eMutsvene.

11 Simba rangu chii kuti ndivimbe? Uye mugumo wangu chii kuti ndiredzve upenyu hwangu?

12 Simba rangu isimba remabwe here? Nyama yangu indarira kanhi?

13 Rubatsiro rwangu harwusi mandiri here? Uye uchenjeri hwadzingwa kwandiri here?

14 Anotambudzika achinzwirwa tsitsi neshamwari dzake, asi anosiya kutyisa kweWemasimbaose.

15 Hama dzangu dzakaita nekusatendeka serukova; sekuyerera kwehova vanopfuura;

16 dzakasviba nekuda kwemabwe echando, panovanda magada echando;

17 panguva yekudziya kwadzo dzinonyangarika; pakunenge kuchipisa dzinodzima kubva panzvimbo yadzo.

18 Nzira dzerwendo rwavo dzinomonyoroka; vanokwira kurenje ndokuparara.

19 Vafambi veTema vakatarira; midungwe yeShebha yakadzimirira.

20 Vakanyadziswa nokuti vaiva netariro; vakasvikapo ndokunyara.

21 Nokuti ikozvino hamusi chinhu; munoona chityiso, ndokutya.

22 Ndareva here kuti: Uisai kwandiri? Kana: Ipai chipo nekuda kwangu kubva pafuma yenyu?

23 Kana: Ndinunurei paruoko rwemuvengi? Kana: Ndidzikunurei paruoko rwevanotyisa?

24 Ndidzidzisei, ipapo ini ndichanyarara; mundiite ndinzwisise pandakanganisa.

25 Ane simba zvakadii mashoko akarurama; asi kutsiura kunobva kwamuri kunotsiurei?

26 Munorangarira mashoko ekutsiura here, nemashoko euyo wapererwa achava mhepo?

27 Hongu, munokanda mijenya pamusoro penherera, uye munotsinhanisa shamwari yenyu.

28 Naizvozvo ikozvino, zvipirei, kunditarira, nokuti zviri pamberi pechiso chenyu kana ndichireva nhema.

29 Dzokai henyu, kusava kuipa; hongu dzokaizve; kururama kwangu kuri mazviri.

30 Kuti pane chakaipa parurimi rwangu? Kuravira kwangu hakusiyanisi zvinhu zvakaipa here?