ShonaTeam Job « 4 »

Erifazi anoyeudzira Jobho kuti Mwari wakarurama

4Zvino Erifazi muTemani wakapindura ndokuti:

2Kana umwe achiedza shoko newe, ucharwadziwa here? Asi ndiani anogona kuzvibata pamashoko?

3 Tarira, wakarairira vazhinji, uye wakasimbisa maoko asina simba.

4 Mashoko ako akamutsa anogumburwa, uye wakasimbisa mabvi anogweda-gweda.

5 Asi ikozvino zvasvika kwauri, wopera simba; zvinokubata, zvino wovhunduswa.

6 Kutya kwako Mwari hahusi ushingi hwako here, uye tariro yako iri kuperera kwenzira dzako?

7 Rangarira hako, ndiani wakamboparara asina mhosva? Kana vakarurama vakambogurwa papi?

8 Sezvandakaona, varimi vezvakaipa, nevadzvari vedambudziko, vanokohwa izvozvo.

9 Nemweya waMwari vanoparara, uye nekufema kwemhino dzake vanopera.

10 Kuomba kweshumba, neinzwi reshumba inotyisa, nemazino eshumba diki, zvavhunika.

11 Shumba yakwegura inoparara nekushaiwa chinojimbiwa; nembwanana dzeshumbakadzi dzinopararira.

12 Zvino ndakavigirwa shoko nekunyangira; nzeve yangu ndokugamuchira zevezeve raro.

13 Pandangariro kubva pazviratidzo zveusiku, hope huru padzinowira vanhu.

14 Kutya kwandiwira, nekubvunda, kwakaita kuti uwandu hwemapfupa angu azununguke.

15 Zvino mweya wakapfuura pachiso changu; mvere dzenyama yangu dzikasimuka.

16 Wakamira, asi handina kuziva chimiro chawo; mufananidzo waiva pamberi pemeso angu, kwakanyarara, zvino ndakanzwa inzwi richiti:

17 Munhu anofa angarurama kupfuura Mwari here? Murume angachena kupfuura Muiti wake here?

18 Tarirai, haavimbi nevaranda vake; uye vatumwa vake anoti vakanganisi.

19 Zvikuru sei vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzadzo dziri paguruva; dzinokuiwa mberi kwechipfukuto.

20 Vanoparadzwa kubva mangwanani kusvika madekwani; vanoparara nekusingaperi pasina kurangarira.

21 Kunaka kwavo hakubviswi navo here? Vanofa asi vasina uchenjeri.