ShonaTeam Job « 3 »

Jobho anotuka zuva rekuberekwa kwake

3Shure kweizvi Jobho wakashamisa muromo wake ndokutuka zuva rake.

2 Jobho ndokupindura ndokuti:

3 Ngariparare zuva randakaberekwa naro, neusiku hwakanzi: Kwabatwa mimba yemwana munhurume.

4 Zuva iro ngarive rima; Mwari ngaarege kurirangarira ari kumusoro, nechiedza ngachirege kurivhenekera.

5 Rima nemumvuri werufu ngazviridzikunure; gore ngarigare pamusoro paro; rima rezuva ngarirityityidzire.

6 Usiku uhu, rima ngarihubate; ngahurege kubatanidzwa nemazuva egore; ngahurege kuuya pauwandu hwemwedzi.

7 Tarira, usiku uhu ngahuve ngomwa; inzwi remufaro ngarirege kupinda mahuri.

8 Ngavahutuke vatuki vezuva, vakagadzirira kumutsa Revhiyatani*.

9 Ngadzisvibe nyeredzi dzemambakwedza ahwo; ngahumirire chiedza, asi chisavako; uye ngahurege kuona funhiro dzemeso emangwanani;

10 nokuti hahuna kupfiga mikova yedumbu rangu, kana kuvanza kutambudzika pameso angu.

11 Sei ndisina kufa kubva muchizvaro, ndipere pakubuda kwangu mudumbu?

12 Sei mabvi akava mberi kwangu, uye sei mazamu kuti ndiyamwe?

13 Nokuti ikozvino ndingadai ndakazvambarara uye ndakanyarara, ndarara, ipapo ndava nezororo,

14 pamwe nemadzimambo nemakurukota enyika vanozvivakira matongo,

15 kana pamwe nemachinda aiva negoridhe, akazadza dzimba dzawo nesirivha,

16 kana segavamwedzi rakavigwa ndisati ndavapo, sevacheche vasina kuona chiedza.

17 Apo vakaipa pavanorega kutambudza, neapo vakaneta pasimba pavanozorora.

18 Vasungwa vachazorora pamwe; havanzwi inzwi remumanikidzi.

19 Mudiki nemukuru aripo; uye muranda wakasununguka pana tenzi wake.

20 Sei achipa chiedza kune anotambudzika, neupenyu kumweya weupenyu unorwadza,

21 vanomirira rufu, asi rwusipo, uye vanorutsvaka kupfuura fuma yakavigwa,

22 vanofara kusvika pakupemberera, vanofara kana vachiwana guva,

23 kumunhu ane nzira yake yakavigwa, uye Mwari waakashoshera?

24 Nokuti kuvuvura kwangu kunouya pamberi pezvekudya zvangu, nekugomera kwangu kunodururika semvura.

25 Nokuti chinotyisa chandinotya chandiwira, uye chandinovhunduka chasvika kwandiri.

26 Ndaiva ndisina kugadzikana, uye ndaiva ndisina kuva nerunyararo, uye ndaiva ndisina kuva nezororo; zvino dambudziko rakauya.