ShonaTeam Job « 2 »

Satani anorova Jobho nemaronda pamuviri wake

2Kwakavazve nezuva vanakomana vaMwari pavakauya kuzozvimisa pamberi paJehovha, Satani ndokusvikawo pakati pavo kuzozvimisa pamberi paJehovha.

2 Jehovha ndokuti kuna Satani: Wabvepi? Satani ndokupindura Jehovha, ndokuti: Pakupota-pota nenyika, nepakufamba-famba pairi.

3 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Waisa here moyo wako pamuranda wangu Jobho? Nokuti hakuna wakaita saiye panyika, munhu wakaperera uye wakarurama, anotya Mwari, uye anonyenyeredza chakaipa. Achakabatirira paururami hwake, kunyange iwe wakandimutsa kumurwisa kuti ndimumedze pasina chikonzero.

4 Zvino Satani wakapindura Jehovha ndokuti: Ganda neganda, hongu, zvose munhu zvaanazvo achazvipira upenyu hwake.

5 Asi tandavadzai ruoko rwenyu ikozvino, mugobata pfupa rake nenyama yake; zvirokwazvo achakutukai pachiso chenyu.

6 Zvino Jehovha wakati kuna Satani: Tarira, ari paruoko rwako; koga chengeta upenyu hwake.

7 Zvino Satani wakabuda kubva pamberi paJehovha, ndokurova Jobho nemamota akaipa, kubva pasi petsoka yake kusvika panhongonya yake.

8 Zvino Jobho wakazvitorera chaenga kuzvikwenya nacho; ndokugara mukati memadota.

9 Zvino mukadzi wake wakati kwaari: Uchakabatirira here paururami hwako? Tuka Mwari, ugofa.

10 Asi wakati kwaari: Unotaura sekutaura kweumwe wevakadzi matununu. Ko, tingagamuchira zvakanaka kuna Mwari tikasagamuchirawo zvakaipa here? Pane izvi zvose Jobho haana kutadza nemiromo yake.

Shamwari dzaJobho dzinomushanyira

11 Shamwari nhatu dzaJobho padzakanzwa zvakaipa zvose izvi zvaiva zvamuwira, ndokuuya umwe neumwe kubva kunzvimbo yake: Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNahama; nokuti vaiva vatenderana pamwe kuti vauye vazomuchema nekumunyaradza.

12 Pavakasimudza meso avo vari kure havana kumuziva; zvino vakasimudza inzwi ravo ndokuchema misodzi; ndokubvarura umwe neumwe nguvo yake, ndokuzvikushira guruva pamisoro yavo mumatenga.

13 Zvino vakagara pavhu pamwe naye mazuva manomwe neusiku unomwe; uye hapana wakataura kwaari shoko, nokuti vakaona kuti marwadzo aiva makuru kwazvo.