ShonaTeam Esther « 10

Ukuru hwaModhekai

10Zvino mambo Ahasuwerusi wakaisa mutero panyika nezviwi zvegungwa.

2 Zvino basa rose rekugwinya kwake neresimba rake, nedudziro yeukuru hwaModhekai, mambo hwaakamukurisa nahwo, hazvina kunyorwa here mubhuku remakoronike emadzimambo eMedhiya nePerisiya?

3 Nokuti Modhekai muJudha wakava wechipiri pana mambo Ahasuwerusi, uye mukuru pakati pevaJudha, uye achigamuchirwa nechaunga chehama dzake, achitsvakira vanhu vake zvakanaka, uye achitaura rugare kumbeu yake yose.