ShonaTeam Esther « 9 »

VaJudha vanouraya vavengi vavo

9Zvino mumwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi nematatu rawo, kwaswedera shoko ramambo nemutemo wake kuti zviitwe, pazuva vavengi vevaJudha pavaitarisira kuvatonga naro, zvino zvikashanduka, nokuti vaJudha pachavo vakatonga vaivavenga.

2 VaJudha vakaungana pamaguta avo pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, kuisa ruoko kune avo vaitsvaka kukuvadzwa kwavo; uye kwaiva kusina munhu waimira pamberi pavo, nokuti kuvatya kwakawira vanhu vose.

3 Zvino vatongi vose vematunhu, nemachinda, nevatungamiriri, nevaiti vebasa mambo vavaiva navo, vakabatsira vaJudha, nokuti kutya Modhekai kwakavawira.

4 Nokuti Modhekai waiva mukuru muimba yamambo, uye mbiri yake yakaenda nemumatunhu ose. Nokuti murume uyu Modhekai wakaramba achikura.

5 Saizvozvo vaJudha vakarova pavavengi vavo vose nekurova kwemunondo nekuuraya nekuparadza, ndokuita zvinoenderana nechido chavo nevaivavenga.

6 NepaShushani muzinda vaJudha vakauraya nekuparadza varume mazana mashanu.

7 NaParishandata, naDharifoni, naAsipata,

8 naPorata, naAdhariya, naAridhata,

9 naParimashita, naArisai, naAridhai, naVayizata,

10 vanakomana gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wevaJudha, vakavauraya; asi pazvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.

11 Pazuva iro uwandu hwevakaurawa paShushani muzinda hwakasvika pamberi pamambo.

12 Zvino mambo wakati kuna Esiteri vahosi vamambo: VaJudha vauraya nekuparadza varume mazana mashanu paShushani muzinda, nevanakomana gumi vaHamani; vaitei kune amwe matunhu amambo! Zvino chikumbiro chako chii? Zvino chichapiwa kwauri. Uye chishuvo chakozve chii? Zvino chichaitwa.

13 Zvino Esiteri wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, ngakutenderwe vaJudha vari paShushani kuita mangwanawo zvinoenderana nemutemo wanhasi, uye vanakomana gumi vaHamani ngavaremberedzwe padanda.

14 Zvino mambo wakati zviitwe saizvozvo; zvino kukapiwa mutemo paShushani, uye vanakomana gumi vaHamani vakaremberedzwa.

15 Zvino vaJudha vaiva paShushani vakaunganazve nezuva regumi nemana remwedzi weAdhari, zvino vakauraya varume mazana matatu paShushani, asi pazvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.

16 Zvino vamwe vaJudha vaiva pamatunhu amambo vakaungana ndokumiririra upenyu hwavo, ndokuva nezororo kubva pavavengi vavo, ndokuuraya pane avo vaivavenga zvuru makumi manomwe nezvishanu; asi pane zvakapambiwa havana kutandavadzira ruoko rwavo.

17 Pazuva regumi nematatu remwedzi weAdhari, zvino vakazorora nezuva regumi nemana rawo, ndokuriita zuva remabiko nemufaro.

18 Asi vaJudha vaiva paShushani vakaungana pane regumi nematatu rawo, uye pane regumi nemana rawo; uye pane regumi nemashanu rawo vakazorora, ndokuriita zuva remabiko nemufaro.

19 Naizvozvo vaJudha vemaruwa vanogara pamaguta emaruwa vanoita zuva regumi nemana remwedzi weAdhari rive remufaro nemabiko, uye zuva rakanaka, nerekutumirana migove.

Mutambo wePurimi

20 Zvino Modhekai wakanyora zvinhu izvi, ndokutumira tsamba kuvaJudha vose vaiva pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, epedo neekure,

21 kusimbisa pakati pavo kuti vanofanira kuchengetedza zuva regumi nemana remwedzi weAdhari, nezuva regumi nemashanu rawo, mugore negore rimwe nerimwe,

22 semazuva vaJudha avakazorora nawo kubva pavavengi vavo, uye mwedzi wakashandurwa kwavari kubva pakusuwa kuenda pamufaro, uye kubva pakuchema kuenda pazuva rakanaka, kuaita mazuva emabiko neemufaro, neekutumirana migove, neezvipo kuvarombo.

23 Zvino vaJudha vakagamuchira icho chavakatanga kuita, uye icho Modhekai chaakavanyorera.

24 Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wevaJudha vose, waiva arongera vaJudha kuvaparadza, uye waiva akanda Puri, ndiwo mujenya, kuvatambudza nekuvaparadza.

25 Asi pakasvika Esiteri pamberi pamambo, iye wakaraira netsamba kuti zano rake rakaipa raakarongera vaJudha ridzokere pamusoro wake, uye kuti vamuremberedze iye nevanakomana vake padanda.

26 Naizvozvo vakatumidza mazuva iwawo Purimi zvichitevera zita raPuri. Naizvozvo nekuda kwemashoko ose etsamba iyi, nezvavaiva vaona maererano nenyaya iyi, nezvaiva zvavawira,

27 vaJudha vakatema ndokugamuchira pamusoro pavo, nepamusoro pembeu yavo, nepamusoro pevose vaizozvibatanidza kwavari, kuti vasadarika, kuchengetedza mazuva awa maviri, zvichienderana nechinyorwa chawo, uye zvichienderana nenguva yawo yakatarwa, mugore negore rimwe nerimwe;

28 uye mazuva awa arangarirwe nekuchengetedzwa mumazera nemazera ose, mhuri nemhuri, dunhu nedunhu, uye guta neguta, uye mazuva awa ePurimi arege kudarikwa kubva pakati pevaJudha, uye chirangaridzo chawo chisapera kubva pambeu yavo.

29 Zvino Esiteri vahosi vamambo, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rose kusimbisa tsamba iyi yepiri yePurimi.

30 Zvino wakatuma tsamba kuvaJudha vose kumatunhu zana nemakumi maviri nemanomwe eumambo hwaAhasuwerusi, mashoko erugare nechokwadi,

31 kusimbisa mazuva awa ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, Modhekai muJudha naEsiteri vahosi vamambo sezvavaiva vasimbisa pamusoro pavo, uye sekuzvisimbisa kwavo nepamusoro pembeu yavo, nyaya dzekutsanya nekuchema kwavo.

32 Zvino mutemo waEsiteri wakasimbisa nyaya idzi dzePurimi; uye zvakanyorwa mubhuku.