ShonaTeam Esther « 8 »

VaJudha vanotenderwa kuzvirwira

8Pazuva iro mambo Ahasuwerusi wakapa imba yaHamani muvengi wevaJudha kuna Esiteri vahosi vamambo. Modhekai ndokuuya pamberi pamambo, nokuti Esiteri waiva arondedzera kuti waiva chii chake.

2 Zvino mambo wakabvisa chindori chechidhindo chake chaaiva atorera Hamani, ndokuchipa kuna Modhekai. Esiteri ndokuisa Modhekai pamusoro peimba yaHamani.

3 Zvino Esiteri wakataurazve pamberi pamambo, ndokuwira pasi petsoka dzake, ndokuchema misodzi, ndokuita chikumbiro kwaari, kuti abvise kuipa kwaHamani muAgagi, nezano rake raaiva arongera vaJudha.

4 Zvino mambo wakatandavadzira kuna Esiteri tsvimbo yeushe yegoridhe. Naizvozvo Esiteri wakasimuka ndokumira pamberi pamambo.

5 Zvino wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana ndawana nyasha pamberi pake, uye chiri chinhu chakanaka pamberi pamambo, uye kana ndichifadza pameso ake, ngakunyorwe kudzosera shure tsamba nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamatunhu ose amambo.

6 Nokuti ndingagona sei kuona zvakaipa zvichawana vanhu vekwangu? Uye ndingagona sei kuona kuparadzwa kwerudzi rwangu?

7 Zvino mambo Ahasuwerusi wakati kuna Esiteri vahosi vamambo nekuna Modhekai muJudha: Tarirai ndapa Esiteri imba yaHamani, uye iye vakamuremberedza padanda, nokuti wakaisa ruoko rwake pavaJudha.

8 Zvino imwi nyorerai vaJudha muzita ramambo sezvakanaka pameso enyu, mugosimbisa nechidhindo chechindori chamambo, nokuti chinyorwa chakanyorwa muzita ramambo uye chakasimbiswa nechidhindo chechindori chamambo, hakuna angachidzosera shure.

9 Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, unova mwedzi weShivhani, pazuva remakumi maviri nematatu rawo; zvino kukanyorwa zvichienderana nezvose Modhekai zvaakaraira kuvaJudha, nekumachinda, nevatungamiriri, nevatongi vematunhu, iko kubva paIndiya kusvikawo paItiyopiya, matunhu zana nemakumi maviri nemanomwe, dunhu nedunhu zvichienderana nerunyoro rwaro, nerudzi nerudzi zvichienderana nerurimi rwarwo, nekuvaJudha zvichienderana nerunyoro rwavo uye zvichienderana nerurimi rwavo.

10 Zvino wakanyora muzita ramambo Ahasuwerusi, ndokusimbisa nechidhindo chechindori chamambo, ndokutuma tsamba neruoko rwevamhanyi vanotasva mabhiza, vakatasva mabhiza anomhanyisa eumambo, mabhiza echidiki,

11 kuti mambo wakatendera vaJudha vaiva paguta rimwe nerimwe neguta kuti vaungane pamwe kuti vamiririre upenyu hwavo, kuparadza nekuuraya nekutsakatisa masimba ose evanhu nedunhu anovashungurudza, vanana nevanhukadzi, nekupamba zvakapambiwa zvavo,

12 pazuva rimwe pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi, pane regumi nematatu remwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari.

13 Chikoponorwa chechinyorwa chemurairo uchapiwa kudunhu rimwe nerimwe nedunhu wakaiswa pachena kuvanhu vose, uye kuti vaJudha vagadzirire zuva iri kuzvitsivira pavavengi vavo.

14 Vamhanyi vaiva vakatasva mabhiza eumambo aimhanyisa vakabuda, vakakurumidziswa nekumanikidzwa neshoko ramambo. Zvino mutemo ukapiwa paShushani muzinda.

15 Zvino Modhekai wakabuda kubva pamberi pamambo ari munguvo dzeumambo zveruvara rwedenga nezvichena, uye nekorona huru yegoridhe, uye nenguvo yemucheka wakapfava nezveruvara rwehute. Zvino guta reShushani rakafara ndokupembera.

16 VaJudha vakava nechiedza nemufaro nekupembera nerukudzo.

17 Zvino padunhu rimwe nerimwe nedunhu nepaguta rimwe nerimwe neguta, nzvimbo pakasvika shoko ramambo nemutemo wake, mufaro nekupembera zvakava kuvaJudha, mabiko nezuva rakanaka. Zvino vazhinji vevanhu venyika vakava vaJudha, nokuti kutya vaJudha kwakavawira.