ShonaTeam Esther « 7 »

Hamani anosungirirwa

7Zvino mambo naHamani vakasvika kuzova nemabiko navahosi vamambo Esiteri.

2 Mambo ndokutizve kuna Esiteri pazuva rechipiri pamabiko ewaini: Chii chikumbiro chako, vahosi vamambo Esiteri? Zvino uchachipiwa. Uye chishuvo chako chii? Chichaitwa kunyange kusvika pahafu yeushe.

3 Zvino Esiteri vahosi vamambo wakapindura ndokuti: Kana ndawana nyasha pameso enyu, mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, upenyu hwangu ngahupihwe kwandiri pachikumbiro changu, nevanhu vekwangu pachishuvo changu.

4 Nokuti tatengeserwa kuparadzwa, ini nevanhu vekwangu, kuurawa, nekutsakatiswa. Asi kana tanga tatengeswa kuvanhurume vatapwa nekuvanhukadzi vatapwa, ndingadai ndanyarara; asi muvengi haana kuenzana nekutadzirwa kwamambo.

5 Zvino mambo Ahasuwerusi wakapindura ndokuti kuna Esiteri vahosi vamambo: Ndiani, uye aripi, uyo wakazadza moyo wake kuita saizvozvo?

6 Esiteri ndokuti: Munhu, mudzivisi nemuvengi ndiHamani uyu wakaipa! Zvino Hamani wakatya pamberi pamambo navahosi vamambo.

7 Mambo ndokusimuka pamabiko ewaini mukutsamwa kwake kuenda kubindu remuzinda. Hamani akasimukawo kukumbirira upenyu hwake kuna Esiteri vahosi vamambo, nokuti wakaona kuti chakaipa chatemwa namambo pamusoro pake.

8 Zvino mambo wakadzoka kubva pabindu remuzinda kupinda muimba yemabiko ewaini. Zvino Hamani wakawira pamusoro pemubhedha Esiteri paaiva ari. Mambo ndokuti: Kumanikidzawo vahosi vamambo vaneni mumba here? Shoko rakabuda mumuromo mamambo; zvino vakafukidza chiso chaHamani.

9 Zvino Haribhona, umwe wevatenwa wakati pamberi pamambo: Tariraiwo, danda Hamani raakaitira Modhekai, iye wakataura zvakanaka pana mambo, rimire muimba yaHamani, kureba makubhiti makumi mashanu. Mambo ndokuti: Muremberedzei pariri.

10 Zvino vakaremberedza Hamani padanda raaiva agadzirira Modhekai. Zvino kutsamwa kwamambo kwakadzikira.