ShonaTeam Esther « 6 »

Modhekai anokudzwa

6Pausiku uhwo hope dzamambo dzakatiza; ndokuti kuuiswe bhuku rezvirangaridzo, makoronike. Zvino zvakaverengwa pamberi pamambo.

2 Zvino pakawanikwa pakanyorwa kuti Modhekai wakazivisa zvaBhigitana naTereshi, vatenwa vaviri vamambo, kubva kuvachengetedzi vemukova, avo vakatsvaka kuisa ruoko pana mambo Ahasuwerusi.

3 Zvino mambo wakati: Rukudzo neukuru rudzii zvakaitirwa Modhekai nekuda kweizvi? Zvino varanda vamambo vaimushandira vakati: Hapana chaakaitirwa.

4 Mambo ndokuti: Ndiani ari pachivanze? Zvino Hamani waiva apinda pachivanze chekunze cheimba yamambo kutaura kuna mambo kuti aremberedze Modhekai padanda raaiva amugadzirira.

5 Zvino varanda vamambo vakati kwaari: Tarirai Hamani amire pachivanze. Mambo ndokuti: Ngaapinde.

6 Zvino Hamani wakapinda. Mambo ndokuti kwaari: Kuitwei kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake? Zvino Hamani wakati mumoyo make: Ndiani mambo wavangafarira kuita rukudzo kupfuura ini?

7 Hamani ndokuti kuna mambo: Munhu mambo waanofarira rukudzo rwake,

8 ngakuuiswe nguvo dzeushe mambo dzaanopfeka, nebhiza mambo raanotasva, uye kuti korona yeumambo iiswe pamusoro wake.

9 Zvino nguvo nebhiza ngazvipiwe muruoko rweumwe wemachinda makuru amambo, uye vapfekedze munhu uyu mambo waanofarira rukudzo rwake, vamutasvise bhiza apfuure nepanhandare yeguta, vadanidzire pamberi pake vachiti: Ngakuitwe seizvi kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake.

10 Zvino mambo wakati kuna Hamani: Kurumidza, tora nguvo nebhiza sezvawataura ugoita saizvozvo kuna Modhekai muJudha uyo agere pasuwo ramambo; kusawa shoko pane zvose zvawataura.

11 Zvino Hamani wakatora nguvo nebhiza, ndokupfekedza Modhekai, ndokumutasvisa akapfuura nepanhandare yeguta, akadanidzira pamberi pake achiti: Kuchaitwa seizvi kumunhu mambo waanofarira rukudzo rwake.

12 Zvino Modhekai wakadzokera kusuwo ramambo. Asi Hamani wakakurumidza kuenda kumba kwake achichema uye nemusoro wakafukidzwa.

13 Zvino Hamani wakaudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakasangana naye. Zvino vachenjeri vake naZereshi mukadzi wake vakati kwaari: Kana Modhekai ari werudzi rwevaJudha, wawatanga kuwa pamberi pake, haungamukundi, asi uchawa zvirokwazvo pamberi pake.

14 Zvino vachiri kutaura naye, vatenwa vamambo ndokuswedera, ndokukurumidza kupinza Hamani kumabiko Esiteri aaiva aita.