ShonaTeam Esther « 5 »

5Zvino zvakaitika pazuva retatu kuti Esiteri wakapfeka nguvo dzeuhosi, ndokumira pachivanze chemukati cheimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo waiva agere pachigaro cheushe cheumambo hwake muimba yeumambo, pakatarisana nemukova weimba.

2 Zvino zvakaitika mambo paakaona Esiteri vahosi vamambo amire pachivanze, wakawana nyasha pameso ake; mambo ndokutandavadzira Esiteri tsvimbo yeushe yegoridhe yaiva muruoko rwake. Esiteri ndokuswedera, ndokubata musoro wetsvimbo.

3 Zvino mambo wakati kwaari: Unei, vahosi Esiteri? Uye chikumbiro chako chii? Uchachipiwa, kunyange kusvika pahafu yeushe.

4 Zvino Esiteri wakati: Kana zvakanaka kuna mambo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumabiko andakamugadzirira.

5 Zvino mambo wakati: Kurumidzisai Hamani, kuti aite shoko raEsiteri. Naizvozvo vakauya mambo naHamani kumabiko Esiteri aaiva aita.

6 Zvino mambo wakati kuna Esiteri pamabiko ewaini: Chikumbiro chako chii? Zvino uchachipiwa. Uye chii chishuvo chenyu? Zvichaitwa kunyange kusvika pahafu yeushe.

7 Zvino Esiteri wakapindura ndokuti: Chikumbiro changu nechishuvo changu ndeichi:

8 Kana ndawana nyasha pameso amambo, uye kana zvakanaka kuna mambo kupa chikumbiro changu, nekuita chishuvo changu, mambo naHamani ngavauye pamabiko andichavaitira; zvino mangwana ndichaita zvinoenderana neshoko ramambo.

Hamani anoronga kuuraya Modhekai

9 Zvino Hamani wakabuda nezuva iro nemufaro, nemoyo wakanaka; asi Hamani paakaona Modhekai pasuwo ramambo, kuti haana kusimuka, uye kuti haana kumudederera, Hamani wakazara nehasha nekuda kwaModhekai.

10 Asi Hamani wakazvidzora; paakasvika muimba yake, wakatuma ndokupinza shamwari dzake, naZereshi mukadzi wake.

11 Zvino Hamani wakavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nekuwanda kwevana vake, nezvose mambo zvaakamukwiridzira pazviri, uye kuti wakamusimudzira pamusoro pemachinda nevaranda vamambo.

12 Hamani ndokuti: Hongu, Esiteri vahosi vamambo havana kupinza munhu pamwe namambo pamabiko aaita kunze kwangu; uye namangwana ndakokwa kwaari, pamwe namambo.

13 Asi zvose hazvindifadzi panguva yose yandinoona Modhekai muJudha agere pasuwo ramambo.

14 Zvino Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose vakati kwaari: Ngakuitwe danda remakubhiti makumi mashanu kureba, zvino mangwana taurai kuna mambo kuti Modhekai aremberedzwe pariri. Zvino pindai makafara namambo pamabiko. Zvino nyaya iyi yaiva yakanaka pamberi paHamani. Zvino akaita danda.