ShonaTeam Esther « 4 »

Esiteri anoreverera vaJudha pana mambo Ahasuwerusi

4Modhekai paakaziva zvose zvaitwa, Modhekai ndokubvarura nguvo dzake, ndokupfeka masaga nemadota, ndokubudira pakati peguta, ndokuchema nekuchema kukuru kunorwadza.

2 Akauya kusvika pamberi pesuwo ramambo; nokuti kwaiva kusina wakapfeka masaga waipinda pasuwo ramambo.

3 Nepadunhu rimwe nerimwe nedunhu, nzvimbo shoko ramambo nemutemo wake pazvakasvika, kwakava nekuchema kukuru kuvaJudha, nekutsanya, nekuchema misodzi, nekurira; uye masaga nemadota zvakaparadzirwa pavazhinji.

4 Zvino kwakasvika vasikana vaEsiteri nevatenwa vake ndokumuudza; vahosi vamambo ndokushungurudzika zvikuru, ndokutumira nguvo kupfekedza Modhekai nekubvisa masaga ake paari, asi haana kugamuchira.

5 Zvino Esiteri wakadana Hataki, umwe wevatenwa vamambo waaiva azvimisira pamberi pake, ndokumuraira zvaModhekai, kuti azive kuti chii, uye kuti imhaka yei.

6 Hataki ndokubudira kuna Modhekai pabani reguta raiva pamberi pesuwo ramambo.

7 Zvino Modhekai wakamuudza zvose zvakaitika kwaari, nezvetsananguro chaiyo yemari Hamani yaakareva kuyerera pazvinokosha zvamambo pamusoro paJudha, kuvaparadza.

8 Zvino wakamupa chikoponorwa chechinyorwa chemutemo chakapiwa paShushani kuvaparadza, kuti aratidze Esiteri, nekumuudza, nekumuraira kuti apinde kuna mambo, kunoita chikumbiro kwaari, nekukumbirira vanhu vekwake pamberi pake.

9 Zvino Hataki wakauya ndokuudza Esiteri mashoko aModhekai.

10 Zvino Esiteri wakataura kuna Hataki, ndokumupa murairo kuenda kuna Modhekai, akati:

11 Varanda vose vamambo nevanhu vematunhu amambo vanoziva kuti, ani nani, munhurume kana munhukadzi anopinda kuenda kuna mambo muchivanze chemukati asina kudanwa, mutemo umwe kwaari kuuraya, kunze kwekuti mambo amutandavadzira tsvimbo yeushe yegoridhe, kuti ararame; asi ini handina kudanwa kupinda kuna mambo mazuva awa makumi matatu.

12 Zvino vakaudza Modhekai mashoko aEsiteri.

13 Zvino Modhekai wakati pakudzosera shoko kuna Esiteri: Usafunga mumoyo mako kuti uchapukunyuka muimba yamambo kupfuura vaJudha vose.

14 Nokuti kana ukanyarara zvekunyarara nenguva ino, rubatsiro nerusununguko zvichamirira vaJudha kubva kune imwe nzvimbo. Asi iwe neimba yababa vako muchaparadzwa. Zvino ndiyani anoziva kuti wakasvika paumambo nekuda kwenguva yakadai?

15 Zvino Esiteri wakati achipindura Modhekai:

16 Endai muunganidze vaJudha vose varipo paShushani, uye munditsanyire, uye musadya kana kunwa mazuva matatu, usiku nemasikati, uye ini nevasikana vangu tichatsanya saizvozvo; zvino saizvozvo ndichapinda kuna mambo, izvo zvisingaenderani nemutemo; uye kana ndaparara, ndaparara.

17 Zvino Modhekai wakapfuurira ndokuita zvinoenderana nezvose Esiteri zvaakamuraira.