ShonaTeam Esther « 3 »

Hamani anoronga kuparadza vaJudha

3Shure kwezvinhu izvi mambo Ahasuwerusi wakakwiridzira Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, ndokumusimudzira, ndokuisa chigaro chake pamusoro pemachinda ose aiva naye.

2 Zvino varanda vose vamambo vaiva pasuwo ramambo vakakotama ndokufugamira Hamani; nokuti mambo waiva araira saizvozvo maererano naye. Asi Modhekai haana kukotama uye haana kufugama.

3 Zvino varanda vamambo vaiva pasuwo ramambo vakati kuna Modhekai: Unodarikirei murairo wamambo?

4 Zvino zvakaitika pavaitaura zuva nezuva kwaari, kuti haana kuteerera kwavari, zvekuti vakaudza Hamani kuti vaone kuti mashoko aModhekai angamira here; nokuti waiva avaudza kuti muJudha.

5 Hamani paakaona kuti Modhekai haakotami kana kumufugamira, Hamani ndokuzara nekutsamwa.

6 Asi wakashora pameso ake kuisa ruoko kuna Modhekai oga, nokuti vaiva vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani wakatsvaka kuparadza vaJudha vose vaiva paushe hwose hwaAhasuwerusi, rudzi rwaModhekai.

7 Mumwedzi wekutanga, ndiwo mwedzi waNisani, mugore regumi nemaviri ramambo Ahasuwerusi, vakakanda Puri, ndiwo mujenya, pamberi paHamani kubva pazuva kusvika pazuva uye kubva pamwedzi kusvika pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi waAdhari.

8 Zvino Hamani wakati kuna mambo Ahasuwerusi: Kune rumwe rudzi, rwakapararira nekutekeshera pakati pevanhu kumatunhu ose eumambo hwenyu; uye mirairo yavo yakasiyana neyevanhu vose, uye mirairo yamambo havasi kuita; zvino kuna mambo hazvibatsiri kuvarega.

9 Kana zvakanaka kuna mambo, ngakunyorwe kuti vaparadzwe; uye ndichayerera matarenda* zvuru gumi esirivha mumaoko evaiti vebasa, kuisa mune zvakakosha zvamambo.

10 Zvino mambo wakabvisa chindori chake paruoko rwake, ndokuchipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wevaJudha.

11 Zvino mambo wakati kuna Hamani: Sirivha yakapiwa kwauri, nevanhu, kuita navo sezvakanaka pameso ako.

12 Zvino kwakadanwa vanyori vamambo mumwedzi wekutanga pazuva regumi nematatu rawo; zvino kwakanyorwa zvichienderana nezvose Hamani zvaaiva araira kumachinda amambo, nekuvatongi vaiva pamusoro pedunhu nedunhu, nekumisoro yerudzi nerudzi; dunhu nedunhu zvichienderana nechinyorwa chavo uye rudzi nerudzi zvichienderana nemutauro wavo; dzakanyorwa muzita ramambo Ahasuwerusi, ndokudhindwa nechindori chamambo.

13 Zvino tsamba dzakatumwa neruoko rwevamhanyi kumatunhu ose amambo, kuparadza, kuuraya, nekutsakatisa vaJudha vose, kubva kune wechidiki kusvika kune wakwegura, vanana nevanhukadzi, pazuva rimwe, neregumi nematatu remwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye zvakatapiwa zvavo zvipambwe.

14 Chikoponorwa chechinyorwa chekuti murairo upiwe kudunhu rimwe nerimwe, chikava pachena kuvanhu vose kuti vagadzirire zuva iro.

15 Vamhanyi vakabuda, vakakurumidza neshoko ramambo; mutemo ndokupiwa paShushani muzinda; mambo naHamani ndokugara kunwa, asi guta reShushani rakadziyaniswa.