ShonaTeam Esther « 2 »

Esiteri anoitwa vahosi panzvimbo yaVhashiti

2Shure kwezvinhu izvi, pakumira kwekutsamwa kwamambo Ahasuwerusi, wakarangarira Vhashiti, nezvaakaita, nechaakatemerwa.

2 Zvino varanda vamambo vaimushandira vakati: Ngakutsvakirwe mambo vasikana, mhandara dzakanaka pakuonekwa.

3 Zvino mambo ngaagadze vatariri pamatunhu ose eumambo hwake, kuti vaunganidze pamwe vasikana vose, mhandara dzakanaka pakuonekwa, paShushani muzinda, paimba yevanhukadzi, muruoko rwaHegai mutenwa wamambo, muchengetedzi wevanhukadzi, nekupa zvekuzvinatsa zvavo.

4 Zvino musikana wakanaka pameso amambo ngaave vahosi vamambo pachinzvimbo chaVhashiti. Chinhu ichi ndokuva chakanaka pameso amambo; iye ndokuita saizvozvo.

5 Kwaiva nemurume muJudha paShushani muzinda, uye zita rake raiva Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini,

6 waiva atapwa kubva Jerusarema pamwe nevatapwa vaiva vatapwa naJekoniya mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi waaiva atapa.

7 Zvino wairera Hadhasa, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti waiva asina baba kana mai; zvino musikana waiva akanaka pachimiro uye akanaka pakuonekwa; uye baba vake namai vake pavaiva vafa, Modhekai wamutora kuva mukunda wake.

8 Zvino zvakaitika pakwakanzwikwa murairo wamambo nechirevo chake, uye vasikana vakawanda vaungana pamwe paShushani muzinda muruoko rwaHegai, kuti Esiteri wakatorwa kuiswa muimba yamambo muruoko rwaHegai muchengetedzi wevanhukadzi.

9 Zvino musikana waiva akanaka pameso ake, iye ndokuwana nyasha kubva kwaari, ndokukurumidza kumupa zvekuzvinatsa zvake nemigove yake, nevasikana vaionekera vanomwe kumupa vaibva muimba yamambo; akamubvisa ndokuisa iye nevasikana vake pakanaka peimba yevanhukadzi.

10 Esiteri waiva asina kutaura vanhu vekwake kana rudzi rwake, nokuti Modhekai waiva amuraira kuti asataura.

11 Zvino Modhekai waifamba-famba zuva nezuva pamberi pechivanze cheimba yevanhukadzi, kuziva upenyu hwaEsiteri, uye kuti chii chichaitika kwaari.

12 Zvino pakusvika kwedzoro remusikana umwe neumwe kupinda kuna mambo Ahasuwerusi, pakupedzisira zvaitwa kwaari zvichienderana nemutemo wevanhukadzi, mwedzi gumi nemiviri (nokuti saizvozvo kwaizadzisika mazuva ezvekunatsa zvavo, mwedzi mitanhatu nemafuta emura*, uye mwedzi mitanhatu nezvinonhuhwira zvinotapira, uye nezvimwe zvekunatsa zvevanhukadzi).

13 Zvino neizvozvi musikana waipinda kuna mambo; chose chaakareva chakapiwa kwaari kuti aende nacho achibva paimba yevanhukadzi achienda kuimba yamambo.

14 Madekwani waipinda, uye mangwanani waidzokera muimba yechipiri yevanhukadzi, muruoko rwaShaashigazi, mutenwa wamambo muchengetedzi wevarongo; waiva asingachapindizve kuna mambo, kunze kwekuti mambo afadzwa naye, ndokudanwa nezita.

15 Zvino parakasvika dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi babamunini vaModhekai waiva amutora kuva mukunda wake kuti apinde kuna mambo, haana kukumbira chinhu kunze kweizvo Hegai mutenwa wamambo zvaakareva, muchengetedzi wevanhukadzi. Zvino Esiteri waiwana nyasha pameso evose vaimuona.

16 Naizvozvo Esiteri wakaiswa kuna mambo Ahasuwerusi muimba yake yeushe mumwedzi wegumi unova mwedzi weTebheti, mugore rechinomwe rekutonga kwake.

17 Mambo ndokuda Esiteri kupfuura vanhukadzi vose; iye ndokugamuchira nyasha netsitsi pamberi pake kupfuura mhandara dzose, zvekuti wakaisa korona yeumambo mumusoro wake, ndokumuita vahosi vamambo pachinzvimbo chaVhashiti.

18 Zvino mambo wakaita mabiko makuru kumachinda ake ose nevaranda vake, mabiko aEsiteri. Akaitirawo matunhu zororo, ndokupa zvipo zvichienderana nesimba ramambo.

19 Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai waiva agere pasuwo ramambo.

20 Esiteri waiva asina kutaura rudzi rwake kana vanhu vekwake, sezvo Modhekai aiva amuraira, nokuti Esiteri wakaita murairo waModhekai sepaaiva achirerwa anaye.

21 Pamazuva iwawo Modhekai agere pasuwo ramambo, Bhigitani naTereshi, vatenwa vaviri vamambo, pavarindi vemukova, vakatsamwa ndokutsvaka kuisa ruoko kuna mambo Ahasuwerusi.

22 Zvino nyaya iyi ikazikanwa kuna Modhekai; uyo wakazivisawo Esiteri vahosi vamambo; Esiteri ndokuudza mambo nezita raModhekai.

23 Nyaya yakati ichiongororwa, zvakawanikwa kuti ndizvo. Naizvozvo vari vaviri vakaremberedzwa pamuti. Zvino zvakanyorwa mubhuku remakoronike pamberi pamambo.