ShonaTeam Esther « 1 »

Vahosi Vhashiti vanoramba kuteerera mambo Ahasuwerusi

1 Zvino zvakaitika pamazuva aAhasuwerusi, Ahasuwerusi uyu waitonga kubva paIndia kusvikawo paItiyopiya, matunhu zana nemakumi maviri nemanomwe;

2 pamazuva iwawo mambo Ahasuwerusi paakagara pachigaro cheushe cheumambo hwake chaiva paShushani muzinda,

3 pagore rechitatu rekutonga kwake, wakaitira misoro yake yose nevaranda vake mabiko. Simba rePerisiya neMedhiya, vakuru nemachinda ematunhu vaiva pamberi pake,

4 paakaratidza fuma yekubwinya kweumambo hwake nerukudzo rwekunaka kweukuru hwake mazuva akawanda, mazuva zana nemakumi masere.

5 Zvino mazuva awa paakazadzisika, mambo wakaitira mabiko vanhu vose vaivapo paShushani muzinda, kubva kumukuru kusvika kumudiki, mazuva manomwe, muchivanze chebindu remuzinda wamambo.

6 Paiva nemicheka michena, micheka yakapfava, neyeruvara rwedenga, yakasungwa netambo dzemucheka wakapfava neyeruvara rwehute, pazvindori zvesirivha nembiru dzemabwe earibhasiteri*. Mibhedha yaiva yegoridhe nesirivha pamusoro penzvimbo yakarongwa mabwe matsvuku, neearibhasiteri, neemaparera*, nematema.

7 Zvino vakapa kunwa mumidziyo yegoridhe, uye midziyo yaiva midziyo yakasiyana-siyana, newaini yeumambo yaiva yakawanda zvichienderana neruoko rwamambo.

8 Zvino kunwa kwaienderana nemutemo, hakuna wakamanikidza; nokuti saizvozvo mambo waiva atarira vakuru vose veimba yake, kuti vaite zvichienderana nechido chemunhu nemunhu.

9 Navahosi vamambo Vhashiti vakaitira vakadzi mabiko paimba yeumambo, mambo Ahasuwerusi yaaiva nayo.

10 Pazuva rechinomwe moyo wamambo pawaiva wafara newaini, wakaraira Mehumani, Bhizita, Haribhona, Bhigita, naAbhagata, Zetari, naKarikasi, vatenwa vanomwe vaishanda pamberi pamambo Ahasuwerusi,

11 kuti vauye navahosi vamambo Vhashiti pamberi pamambo, vane korona yeumambo, kutaridza vanhu nemachinda kunaka kwavo; nokuti vaiva vakanaka pakuonekwa.

12 Asi vahosi vamambo Vhashiti vakaramba kuuya pakuraira kwamambo kwaiva neruoko rwevatenwa. Naizvozvo mambo wakatsamwa kwazvo, hasha dzake ndokupfuta mukati make.

13 Zvino mambo wakati kuvachenjeri vaiziva dzinguva (nokuti shoko ramambo raiva rakadaro pamberi peavo vose vaiziva mutemo nemutongo,

14 nevaiva pedo naye vaiva Karishena, Shetari, Adhimata, Tarishishi, Mereesi, Marisena, Memukani, machinda manomwe ePerisiya neMedhiya vaiona chiso chamambo, vaigara pamberi paushe):

15 Zvichienderana nemutemo kuchaitwei navahosi vamambo Vhashiti, nokuti havana kuita murairo wamambo Ahasuwerusi neruoko rwevatenwa?

16 Zvino Memukani wakati pamberi pamambo nemachinda: Vhashiti, vahosi vamambo vatadza kwete kuna mambo koga, asi kumachinda ose nekuvanhu vose vari pamatunhu ose amambo Ahasuwerusi.

17 Nokuti chiito chavahosi vamambo chichabudira kuvakadzi vose zvekuti vachazvidza varume vavo pameso avo, pavachati: Mambo Ahasuwerusi vakaraira vahosi vamambo Vhashiti kuti vauiwe navo pamberi pake, asi havana kuuya.

18 Nhasi vakadzi vanoremekedzwa vePerisiya neMedhiya vachataura saizvozvo pavachanzwa chiito chavahosi vamambo kumachinda ose amambo; kuchava nekuzvidza nekutsamwa kwakapfuurisa.

19 Kana zvakanaka kuna mambo ngakubude mutemo weumambo kubva kwaari, uye ngaunyorwe pakati pemitemo yevaPerisiya nevaMedhi, kuti usashandurwa, kuti Vhashiti arege kuzouya pamberi pamambo Ahasuwerusi; uye mambo ngaape uhosi hwake kune umwe ari nani kumupfuura.

20 Kana mutemo wamambo wavachaita wanzwikwa paushe hwavo hwose (nokuti hwakakura), vakadzi vose vachapa rukudzo kuvarume vavo, kubva kumukuru kusvika kumudiki.

21 Zvino nyaya yakava yakanaka pameso amambo nemachinda; mambo ndokuita zvichienderana neshoko raMemukani.

22 Nokuti wakatuma tsamba kumatunhu ose amambo, kudunhu rimwe nerimwe zvichienderana nekunyorwa kwaro, uye kurudzi rumwe nerumwe zvichienderana nemutauro wavo, kuti murume umwe neumwe ave mutongi muimba yake, uye achitaura zvinoenderana nemutauro wevanhu vake.