ShonaTeam Nehemiah « 12 »

Vapristi nevaRevhi

12Zvino ava vapristi nevaRevhi vakakwira naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri naJeshuwa: Seraya, Jeremiya, Ezira,

2 Amariya, Maruki, Hatushi,

3 Shekaniya, Rehumi, Meremoti,

4 Idho, Ginetoi, Abhiya,

5 Mijamini, Maadhiya, Bhiriga,

6 Shemaya, naJoyaribhi, Jedhaya,

7 Saru, Amoki, Hirikiya, Jedhaya. Ava misoro yevapristi neyehama dzavo pamazuva aJeshuwa.

8 Uye vaRevhi: Jeshuwa, Bhinui, Kadhimieri, Sherebhia, Judha, Mataniya, vaiva pamusoro pekuvonga, iye nehama dzake.

9 NaBhakibhukiya, naUni, hama dzavo, vakatarisana navo pazvirindo.

10 Zvino Jeshuwa wakabereka Joyakimu; Joyakimu ndokubereka Eriashibhi; Eriashibhi ndokubereka Joyadha;

11 Joyadha ndokubereka Jonatani; Jonatani ndokubereka Jadhuwa.

12 Zvino pamazuva aJoyakimu vapristi, misoro yemadzibaba, vaiva: WekwaSeraya, Meraya; wekwaJeremiya, Hananiya;

13 wekwaEzira, Meshurami; wekwaAmariya, Jehohanani;

14 wekwaMaruki, Jonatani; wekwaShebhaniya, Josefa;

15 wekwaHarimi, Adhina; wekwaMerayoti, Herikai;

16 wekwaIdho, Zekariya; wekaGinetoni, Meshurami;

17 wekwaAbhiya, Zikiri; wekwaMiniyamini, wekwaMoadhiya, Piritai;

18 wekwaBhiriga, Shamuwa; wekwaShemaya, Jehonatani;

19 uye wekwaJoyaribhi, Matenai; wekwaJedhaya, Uzi;

20 wekwaSarai, Karai; wekwaAmoki, Ebheri;

21 wekwaHirikiya, Hashabhiya; wekwaJedhaya, Netaneri.

22 VaRevhi pamazuva aEriashibhi, Joyadha, naJohwanani, naJadhuwa, vakanyorwa vakava misoro yemadzibaba, nevapristi kusvika pava paushe hwaDhariyasi muPerisiya.

23 Vanakomana vaRevhi, misoro yemadzibaba, vakanyorwa pabhuku reMakoronike kusvika pamazuva aJohwanani mwanakomana waEriashibhi.

24 Nemisoro yevaRevhi: Hashabhiya, Sherebhiya, naJeshuwa mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo dzakatarisana navo, kurumbidza, kuvonga, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi munhu waMwari, chirindo chakatarisana nechirindo.

25 Mataniya, naBhakibhukiya, Obhadhiya, Meshurami, Tarimoni, Akubhi vaiva varindi vemikova, vachirinda chirindo pamatura emasuwo.

26 Ava vaivako pamazuva aJoyakimu mwanakomana waJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, nepamazuva aNehemiya mutongi, naEzira mupristi munyori.

Rusvingo rweJerusarema runotsaurirwa Jehovha

27 Zvino pakutsaura rusvingo rweJerusarema vakatsvaka vaRevhi kubva panzvimbo dzavo dzose kuuya navo kuJerusarema, kuzoita kutsaura nemufaro, uye nekuvonga uye nekuimba, makandira, mitengeranwa, uye nembira.

28 Zvino vanakomana vevaimbi vakaungana, zvose kubva kumapani akapoteredza Jerusarema nekubva kumisha yevaNetofati,

29 nekubva paBheti-Girigari, uye kubva pamaruwa eGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vaiva vazvivakira misha yakapoteredza Jerusarema.

30 Zvino vapristi nevaRevhi vakazvichenesa, ndokuchenesa vanhu, nemasuwo, nerusvingo.

31 Zvino ndakakwidza misoro yaJudha pamusoro perusvingo, ndokugadza mapoka makuru maviri kuvonga nemidungwe, kurudyi pamusoro perusvingo kusvika kusuwo remupfudze.

32 Zvino shure kwavo kwakafamba Hoshaya, nehafu yemisoro yaJudha,

33 naAzariya, Ezira, naMeshurami,

34 Judha, naBhenjamini, naShemaya, naJeremiya.

35 Nepavanakomana vevapristi vane hwamanda: Zekariya mwanakomana waJonatani mwanakomana waShemaya mwanakomana waMataniya mwanakomana waMikaya mwanakomana waZakuri mwanakomana waAsafi.

36 Nehama dzake: Shemaya, naAzareri, Mirarai, Girarai, Maai, Netaneri, naJudha, Hanani, vane midziyo yekuimbisa yaDhavhidhi munhu waMwari, uye Ezira munyori waiva pamberi pavo.

37 Uye nepasuwo repachitubu nepakatarisana navo vakakwira nematanho eguta raDhavhidhi, pamukwidza werusvingo, pamusoro peimba yaDhavhidhi, kusvikawo pasuwo remvura kumabvazuva.

38 Neboka repiri rekuvonga rakafamba rakatarisana navo, neni ndichiritevera, uye hafu yevanhu pamusoro perusvingo, kubva pamusoro peshongwe yemavira emoto, kusvika parusvingo rwakapamhama,

39 uye kubva pamusoro pesuwo raEfuremu, nepamusoro pesuwo rekare, nepamusoro pesuwo rehove, neshongwe yaHananeri, neshongwe yeMeya, kusvika pasuwo remakwai, ndokumira pasuwo revarindi.

40 Mapoka ari maviri ekuvonga ndokumira muimba yaMwari, neni nehafu yevatariri ineni;

41 nevapristi Eriakimu, Maaseya, Miniyamini, Mikaya, Erioenai, Zekariya, Hananiya, vane hwamanda;

42 naMaaseya, naShemaya, naEriazari, naUzi, naJehohanani, naMarikiya, naErami, naEzeri. Zvino vaimbi vakaimbisa, vana Jezirahiya mutariri.

43 Zvino nezuva iro vakabaira zvibairo zvikuru ndokufara; nokuti Mwari waiva avafadza nemufaro mukuru; nevakadziwo nevana vakafara, kusvika mufaro weJerusarema wanzwikwa kure.

44 Zvino nezuva iro vamwe vakagadzwa pamusoro pemakamuri ezvinokosha, zvezvipo, zvezvezvibereko zvekutanga, uye zvezvegumi, kuunganidza maari zvinobva muminda yemaguta migove yemurairo yevapristi neyevaRevhi, nokuti Judha wakafarira vapristi nevaRevhi vaiva vamire.

45 Zvino vakachengeta faniro yaMwari wavo, nefaniro yekuchenesa, vose vaimbi nevarindi vemikova zvichienderana nemurairo waDhavhidhi naSoromoni mwanakomana wake.

46 Nokuti pamazuva aDhavhidhi naAsafi vevekare, kwaiva nemisoro yevaimbi uye rwiyo rwekurumbidza nekuvonga kuna Mwari.

47 Zvino Israeri wose pamazuva aZerubhabheri nepamazuva aNehemiya vaipa migove yevaimbi nevarindi vemikova, nyaya yezuva pazuva rayo; ndokutsaurira vaRevhi, uye vaRevhi vaitsaurira vanakomana vaAroni.