ShonaTeam Nehemiah « 11 »

Vanhu vanoratidzwa pavangagara

11Zvino vatongi vevanhu vakagara paJerusarema; vakasara pavanhu ndokukanda mijenya, kuunza umwe pagumi kuti agare muJerusarema guta dzvene, uye zvikamu zvipfumbamwe kune amwe maguta.

2 Zvino vanhu vakaropafadza varume vose vakazvipira nechido kunogara muJerusarema.

3 Zvino iyi ndiyo misoro yedunhu yakagara muJerusarema; asi mumaguta aJudha makagara umwe neumwe panzvimbo yake pamaguta avo, Israeri, vapristi, nevaRevhi, nevaNetinimi, nevana vevaranda vaSoromoni.

4 Zvino paJerusarema pakagara vamwe vevana vaJudha, nevevana vaBhenjamini. Pavana vaJudha: Ataya mwanakomana waUziya mwanakomana waZekariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waShefatiya mwanakomana waMahararieri wevana vaPerezi;

5 naMaaseya mwanakomana waBharuki mwanakomana waKori-Hoze mwanakomana waHazaya mwanakomana waAdhaya mwanakomana waJoyaribhi mwanakomana waZekariya mwanakomana waShironi.

6 Vanakomana vose vaPerezi vakagara paJerusarema vaiva mazana mana nemakumi matanhatu nevasere, varume veumhare.

7 Zvino ava vanakomana vaBhenjamini: Saru mwanakomana waMeshurami mwanakomana waJoedhi mwanakomana waPedhaya mwanakomana waKoraya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waItieri mwanakomana waJeshaya.

8 Zvino shure kwake Gabhai, Sarai, mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevasere.

9 NaJoweri mwanakomana waZikiri waiva mutariri pamusoro pavo; naJudha mwanakomana waHasenuwa waiva wepiri pamusoro peguta.

10 Pavapristi: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi, Jakini,

11 Seraya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshurami mwanakomana waZadhoki mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhi, mutungamiriri weimba yaMwari.

12 Nehama dzavo dzaiita basa reimba iyo, mazana masere nemakumi maviri nevaviri. NaAdhaya mwanakomana waJerohami mwanakomana waPeraira mwanakomana waAmizi mwanakomana waZekariya mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikiya.

13 Nehama dzake, misoro yemadzibaba, mazana maviri nemakumi mana nevaviri. NaAmashisayi mwanakomana waAzareeri mwanakomana waAzai mwanakomana waMeshiremoti mwanakomana waImeri.

14 Nehama dzavo, varume vane simba veumhare, zana nemakumi maviri nevasere. Uye mutariri pamusoro pavo waiva Zabhidhieri mwanakomana wavakuru.

15 Uye pavaRevhi: Shemaya mwanakomana waHashubhi mwanakomana waAzirikamu mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waBhuni.

16 NaShabhetai naJozabhadhi vari vemisoro yevaRevhi pamusoro pebasa rekunze reimba yaMwari.

17 NaMataniya mwanakomana waMika mwanakomana waZabhidhi mwanakomana waAsafi, mukuru wekutanga kuvonga pamunyengetero; naBhakibhukiya, wepiri pakati pehama dzake; naAbhidha, mwanakomana waShamua, mwanakomana waGarari, mwanakomana waJedhutuni.

18 VaRevhi vose paguta dzvene vaiva mazana maviri nemakumi masere nevana.

19 Uye varindi vemikova, Akubhi, Tarimoni, nehama dzavo, vairinda pamikova, vaiva zana nemakumi manomwe nevaviri.

20 Nevasiiwa vaIsraeri, vapristi, vaRevhi, vaiva pamaguta ose aJudha; umwe neumwe panhaka yake.

21 Asi VaNetinimi vakagara paOferi; uye Ziha naGishipa vaiva pamusoro pevaNetinimi.

22 Mutaririwo wevaRevhi paJerusarema waiva Uzi mwanakomana waBhani mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waMataniya mwanakomana waMika. Pavanakomana vaAsafi, vaimbi vaiva pamusoro pebasa reimba yaMwari.

23 Nokuti waiva murairo wamambo maererano navo, murau wakasimba kuvaimbi, nyaya yezuva nezuva rayo.

24 NaPetahiya mwanakomana waMeshazabheeri, wevana vaZera mwanakomana waJudha, waiva paruoko rwamambo panyaya yose yevanhu.

25 Nepamisha nekuruwa rwayo, pavana vaJudha vakagara paKiriyati-Aribha nemisha yaro, nepaDhibhoni nemisha yaro, nepaJekabhizeeri nemisha yaro,

26 nepaJeshuwa, nepaMoradha, nepaBheti-Pereti,

27 nepaHazari-Shuari, nepaBheeri-Shebha nemisha yaro,

28 nepaZikiragi, nepaMekona, nepamisha yaro,

29 nepaEni-Rimoni, nepaZora, nepaJarimuti,

30 Zanowa, Adhurami, nemisha yawo, Rakishi neruwa rwaro, Azeka nemisha yaro. Naizvozvo vakavaka misasa kubva paBheeri-Shebha kusvika pamupata weHinomi.

31 Nevana vaBhenjamini kubva paGebha, Mikimashi, neAiya, neBheteri nemisha yawo,

32 Anatoti, Nobhi, Ananiya,

33 Hazori, Rama, Gitaimi,

34 Hadhidhi, Zebhoimi, Nebharati,

35 Rodhi, neOno, mupata wedzimhizha.

36 NepavaRevhi mapoka aJudha, neaBhenjamini.