ShonaTeam Nehemiah « 9 »

Vanhu vanotsanya vachinyengetera kuna Jehovha

9Zvino pazuva remakumi maviri nemana remwedzi uyu vana vaIsraeri vakaungana nekutsanya, uye vane masaga, nevhu pamusoro pavo.

2 Zvino mbeu yaIsraeri yakazviparadzanisa nevana vevatorwa vose, ndokumira ndokureurura zvivi zvavo nekuipa kwemadzibaba avo.

3 Zvino vakasimuka panzvimbo yavo ndokuverenga mubhuku remurairo waJehovha Mwari wavo chikamu chechina chezuva; uye chimwe chikamu chechina vakareurura nekunamata kuna Jehovha Mwari wavo.

4 Zvino kwakasimuka pamutanho wevaRevhi, Jeshuwa, naBhani, Kadhimieri, Shebhaniya, Bhuni, Sherebhiya, Bhani, Kenani; ndokudanidzira nenzwi guru kuna Jehovha Mwari wavo.

5 Zvino vaRevhi, Jeshuwa, naKadhimieri, Bhani, Hashabheneya, Sherebhiya, Hodhiya, Shebhaniya, Petahiya, vakati: Simukai, murumbidze Jehovha Mwari wenyu kubva pane rekusingaperi kusvika pane rekusingaperi, uye ngarirumbidzwe zita renyu rinokudzwa, rinosimudzwa pamusoro peropafadzo yose nerumbidzo.

6 Ndimwi muri Jehovha moga; imwi makaita matenga, matenga ematenga, nehondo dzawo dzose, nyika nezvose zviri mukati mayo, makungwa nezvose zviri mukati mawo; uye imwi munozvichengetedza zvose; uye hondo yematenga inokunamatai.

7 Imwi muri Jehovha Mwari wakasarudza Abhuramu, mukamubudisa kubva paUri revaKaradhiya, ndokuita zita rake rive Abhurahama;

8 ndokuwana moyo wake wakatendeka pamberi penyu, ndokuita sungano naye kumupa nyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori, nevaPerezi, nevaJebhusi, nevaGirigashi, kuti mupe kumbeu yake; uye makamisa mashoko enyu nokuti makarurama.

9 Zvino makaona kutambudzika kwemadzibaba edu paEgipita, ndokunzwa kuchema kwavo paGungwa Dzvuku;

10 uye makaratidza zviratidzo nezvishamiso pana Farao nepavaranda vake vose nepavanhu vose venyika yake; nokuti makaziva kuti vakavaitira nekuzvikukumadza. Saizvozvo makazviitira zita sanhasi.

11 Zvino makapamura gungwa pamberi pavo zvekuti vakapfuura nepakati pegungwa nepavhu rakaoma, uye vadzingiriri vavo makavakanda makadzika, sebwe mumvura ine simba.

12 Zvino makavatungamirira pamasikati neshongwe yegore uye pausiku neshongwe yemoto, kuvapa chiedza panzira yavaizofamba nayo.

13 Zvino makaburuka pamusoro pegomo reSinai ndokutaura navo muri mumatenga, uye makapa kwavari mitongo yakarurama, nemirairo yechokwadi, zvimiso zvakanaka nemitemo.

14 Zvino makazivisa kwavari sabata renyu dzvene, uye makavaraira mirairo, nezvimiso, nemutemo, neruoko rwaMozisi muranda wenyu.

15 Zvino makavapa chingwa kubva kumatenga panzara yavo, ndokuvabudisira mvura kubva pabwe panyota yavo, ndokuvavimbisa kuti vachapinda kunogara nhaka yenyika yamakasimudzira ruoko rwenyu kuvapa.

16 Asi ivo nemadzibaba edu vakaita nekuzvikukumadza, ndokuomesa mutsipa wavo, ndokusateerera kumirairo yenyu.

17 Hongu, vakaramba kuteerera, uye havana kurangarira zvishamiso zvenyu zvamakaita kwavari, ndokuomesa mutsipa wavo, ndokugadza mutungamiriri kudzokera kuutapwa hwavo pakumukira kwavo. Asi imwi muri Mwari wekukanganwira kuzhinji, mune nyasha, netsitsi, munononoka kutsamwa, uye mune ngoni huru; uye hamuna kuvasiya.

18 Uye pavaiva vazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungundusa ndokuti: Uyu ndiMwari wenyu wakakukwidzai kubva muEgipita, vakaita kuzvidza kwakawanda kukuru;

19 zvakadaro imwi mutsitsi dzenyu dzakawandisa hamuna kuvasiya murenje; shongwe yegore haina kubva pamusoro pavo pamasikati kuvatungamirira panzira, kana shongwe yemoto pausiku kuvaratidza chiedza, uye nzira yavaizofamba nayo.

20 Makapawo mweya wenyu wakanaka kuvaraira, uye hamuna kunyima mana yenyu pamuromo wavo, uye makavapa mvura yenyota yavo.

21 Hongu, makore makumi mana makavariritira murenje; havana kushaiwa; nguvo dzavo hadzina kusakara, uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba.

22 Makavapawo ushe hwakawanda nemarudzi, uye makavagovera kusvika kumakona, kuti vagare nhaka yenyika yaSihoni, nenyika yamambo weHeshibhoni, nenyika yaOgi mambo weBhashani.

23 Zvino makawanza vana vavo senyeredzi dzekumatenga; ndokuvapinza munyika yamakavimbisa kumadzibaba avo kuti vachapinda kunoigara nhaka.

24 Saizvozvo vana vakapinda ndokugara nhaka yenyika; uye imwi makawisira pasi vagari venyika iyo pamberi pavo, vaKenani; uye makavapa muruoko rwavo, pamwe nemadzimambo avo, nevanhu venyika iyo, kuti vaite navo zvichienderana nechido chavo.

25 Zvino vakatapa maguta akashoshewa nenyika yakakora ndokugara nhaka yedzimba dzakazara nezvakanaka zvose, matsime akacherwa, minda yemizambiringa, neminda yemiorivhi, nemiti yakawanda yemichero; naizvozvo vakadya, uye vakaguta, ndokukora, ndokuzvifadza mukunaka kwenyu kukuru.

26 Zvakadaro vakava vasingateereri, ndokukumukirai, ndokukanda murairo wenyu kumashure kwemusana wavo, ndokuuraya vaporofita venyu vaipupura vachivapikisa, kuti vavadzose kwamuri, ndokuita kuzvidza kwakawanda kukuru.

27 Naizvozvo makavapa muruoko rwevavengi vavo avo vakavatambudza. Zvino munguva yedambudziko ravo vakachema kwamuri, imwi makanzwa muri kumatenga, uye zvichienderana nengoni dzenyu zhinji makavapa vaponesi, ivo ndokuvaponesa kubva muruoko rwevavengi vavo.

28 Asi pavaiva vazorora, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu; naizvozvo makavasiya muruoko rwevavengi vavo kusvika vavatonga; zvino vakadzoka vakadana kwamuri, imwi mukanzwa muri kumatenga, uye makavanunura zvichienderana nengoni dzenyu nguva zhinji.

29 Zvino makavapupurira, kuti muvadzosere kumurairo wenyu, asi ivo vakaita nekuzvikukumadza, uye havana kuteerera kumirairo yenyu, uye vakatadzira mitongo yenyu (izvo munhu anozviita achararama nazvo), vakapa fudzi rinovhinyuka, uye vakaomesa mutsipa wavo, uye havana kuteerera.

30 Zvakadaro makavaitira moyo murefu makore mazhinji, ndokuvapupurira nemweya wenyu neruoko rwevaporofita venyu, zvakadaro havana kupa nzeve. Naizvozvo makavapa muruoko rwevanhu venyika idzo.

31 Zvakadaro netsitsi dzenyu zhinji hamuna kuvapedza, uye hamuna kuvasiya, nokuti imwi muri Mwari ane nyasha netsitsi.

32 Naizvozvo ikozvino, Mwari wedu, Mwari mukuru, ane simba, uye anotyisa, anochengetedza sungano netsitsi, kutambudzika kwedu kose kwatiwana, isu, madzimambo edu, machinda edu, nevapristi vedu, nevaporofita vedu, nemadzibaba edu, nevanhu venyu vose, kubva pamazuva emadzimambo eAsiriya kusvika nhasi, ngakurege kuita sechinhu chidiki pamberi penyu.

33 Asi imwi makarurama maererano nezvose zvakatiwira, nokuti makaita chokwadi, asi isu takaita zvakaipa.

34 Uye madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu, nemadzibaba edu, havana kuita murairo wenyu, uye havana kuteerera kumitemo yenyu, nekuzvipupuriro zvenyu zvamakavapupurira.

35 Nokuti avo havana kukushumirai paushe hwavo, uye pakunaka kwenyu kukuru kwamakavapa, uye panyika yakafaranuka uye yakakora yamakapa pamberi pavo, uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa.

36 Tarirai, tiri varanda nhasi, uye nyika yamakapa madzibaba edu, kuti vadye zvibereko zvayo nezvakanaka zvayo, tarirai, tiri varanda mairi.

37 Zvino goho rayo makariwanzira madzimambo amakaisa pamusoro pedu nekuda kwezvivi zvedu; uye anotonga pamusoro pemiviri yedu nepamusoro pezvipfuwo zvedu pamadiro avo, uye tiri pakushungurudzika kukuru.

38 Zvino nekuda kweizvi zvose tinoita sungano yakasimba, uye tichiinyora; machinda edu, vaRevhi vedu, vapristi vedu ndokuisa chidhindo pamusoro payo.