ShonaTeam Nehemiah « 8 »

Ezira anovaverengera murairo waJehovha

8Zvino vanhu vose vakaungana semunhu umwe padare riri pamberi pesuwo remvura; ndokutaura kuna Ezira munyori kuti auye nebhuku remurairo waMozisi, Jehovha waakaraira Israeri.

2 Zvino Ezira mupristi wakauya nemurairo pamberi peungano, kubva kumunhurume kusvika kumunhukadzi, newose anonzwisisa kunzwa, nezuva rekutanga remwedzi wechinomwe.

3 Zvino wakaverengamo pamberi pedare raiva pamberi pesuwo remvura, kubva pakuchena kwezuva kusvika masikati makuru, pamberi pevanhurume nevanhukadzi nevanonzwisisa; uye nzeve dzevanhu vose dzaiva pabhuku remurairo.

4 Zvino Ezira munyori wakamira panzvimbo yakakwirira yemapuranga yavaiva vaitira nyaya iyo; uye parutivi rwake paiva pakamira Matitiya, naShema, naAnaya, naUriya, naHirikiya naMaaseya, kurudyi rwake; uye kuruboshwe rwake Pedhaya, naMishaeri, naMarikiya, naHashumi, naHashibhadhana, Zekariya, Meshurami.

5 Ezira ndokuzarura bhuku pamberi pemeso evanhu vose; nokuti waiva pamusoro pevanhu vose; uye paakazarura vanhu vose vakasimuka.

6 Zvino Ezira wakarumbidza Jehovha Mwari mukuru. Vanhu vose ndokupindura vachiti: Ameni, Ameni, nekusimudza maoko avo; ndokukotama ndokunamata Jehovha zviso zviri pasi.

7 Zvino Jeshuwa, naBhani, naSherebhiya, Jamini, Akubhi, Shabhetai, Hodhia, Maaseya, Kerita, Azariya, Jozabhadhi, Hanani, Peraya, nevaRevhi, vakaita kuti vanhu vanzwisise murairo; vanhu vari panzvimbo yavo.

8 Saizvozvo vakaverenga mubhuku pamurairo waMwari nekududzirwa, vakatsanangura, vakaita kuti vanzwisise pakuverenga.

9 Zvino Nehemiya, waiva mutongi, naEzira mupristi, munyori, nevaRevhi vaidzidzisa vanhu, vakati kuvanhu vose: Zuva rino idzvene kuna Jehovha Mwari wenyu; musarira kana kuchema misodzi; nokuti vanhu vose vakachema misodzi pakunzwa kwavo mashoko emurairo.

10 Zvino wakati kwavari: Endai, mudye zvakakora, uye munwe zvinotapira, uye mutumire migove kune avo vasina kugadzirirwa chinhu, nokuti zuva rino idzvene kuna Ishe wedu; uye musashungurudzika, nokuti mufaro waJehovha isimba renyu.

11 Zvino vaRevhi vakanyaradza vanhu vose, vachiti: Nyararai, nokuti zuva rino idzvene; uye musashungurudzika.

12 Zvino vanhu vose vakaenda kunodya nekunonwa, nekunotumira migove, nekuita mufaro mukuru; nokuti vaiva vanzwisisa maererano nemashoko avakavazivisa.

13 Zvino pazuva rechipiri kwakaungana misoro yemadzibaba evanhu vose, vapristi nevaRevhi, kuna Ezira munyori, kuzonzwisisawo mashoko emurairo.

14 Zvino vakawana kwakanyorwa mumurairo Jehovha waakaraira neruoko rwaMozisi, kuti vana vaIsraeri vanofanira kugara mumatumba pamutambo pamwedzi wechinomwe;

15 uye kuti vanzwise nekupfuudza danidziro kumaguta avo ose nepaJerusarema vachiti: Budirai kugomo munotora matavi emiorivhi, nematavi emiorivhi yemusango, nematavi emimirite, nematavi emichindwe, nematavi emiti mikobvu, kuita matumba sezvakanyorwa.

16 Naizvozvo vanhu vakabuda, ndokuuya nawo, ndokuzviitira matumba, umwe neumwe pamusoro pedenga reimba yake, nepazvivanze zvavo, nepazvivanze zveimba yaMwari, nepadare resuwo remvura, nepadare resuwo raEfuremu.

17 Zvino ungano yose yevakadzoka pakutapwa vakaita matumba, ndokugara mumatumba; nokuti kubva pamazuva aJeshuwa mwanakomana waNuni kusvika pazuva iro, vana vaIsraeri vaiva vasina kuita saizvozvo. Zvino pakava nemufaro mukuru kwazvo.

18 Uye zuva nezuva kubva pazuva rekutanga kusvika pazuva rekupedzisira wakaverenga pabhuku remurairo waMwari. Zvino vakaita mutambo mazuva manomwe; uye pazuva rerusere kwakava neungano yakadzama zvichienderana nechimiso.