ShonaTeam Nehemiah « 6 »

Vavengi vanoedza kuvadzivisa, asi basa rinopera

6Zvino zvakaitika pazvakanzwikwa naSanibharati naTobhiya uye naGeshemu muArabhiya uye nevamwe vevavengi vedu kuti ndavaka rusvingo uye hapana kusara buri marwuri, kunyange kusvika panguva iyo ndaiva ndisina kumisa magonhi pamasuwo,

2 kuti Sanibharati naGeshemu vakatuma kwandiri, vachiti: Uyai, ngatisangane pamwe pamisha pabani reOno. Asi vaifunga kundiitira chakaipa.

3 Zvino ndakatuma nhume kwavari ndichiti: Ndinoita basa guru, uye handigoni kuburuka; basa ringamirirei ndichirisiya ndikaburukira kwamuri?

4 Zvino vakatuma kwandiri kana zvichienderana neshoko iri, ini ndokuvapindura zvichienderana neshoko iri.

5 Zvino Sanibharati wakatuma kwandiri muranda wake zvichienderana neshoko iri rwechishanu netsamba yakazaruka muruoko rwake.

6 Mairi maiva makanyorwa kuti: Zvakanzwikwa pakati pendudzi, naGashemu anoti: Iwe nevaJudha munofunga kupanduka, naizvozvo unovaka rusvingo, kuti iwe uve mambo kwavari, zvichienderana nemashoko awa.

7 Uyewo wakagadza vaporofita kuparidza nezvako paJerusarema vachiti: Kuna mambo kwaJudha. Zvino ikozvino zvanzwikwa kuna mambo zvichienderana nemashoko awa. Naizvozvo ikozvino, uya, tirangane.

8 Zvino ndakatuma kwaari ndichiti: Hakuna zvinhu zvakadaro zvinoitwa sezvaunoreva, asi wazviumba kubva mumoyo mako.

9 Nokuti vose vanotityisa vachiti: Maoko avo achashaiswa simba pabasa kuti risaitwa. Naizvozvo zvino simbisai maoko angu.

10 Zvino ini ndapinda muimba yaShemaya mwanakomana waDheraya mwanakomana waMehetabheri waiva apfigirwa, iye ndokuti: Ngatisangane muimba yaMwari, mukati metembere, zvino tipfige mikova yetembere; nokuti vanouya kukuuraya; hongu vanouya usiku kuzokuuraya.

11 Zvino ndakati: Munhu wakaita seni angatiza here? Uye ndiani wakaita seni angapinda mutembere kuti ararame? Handingapindi.

12 Zvino ndakaziva, tarira, Mwari haana kumutuma, asi wakataura chiporofita ichi kurwisana neni, nokuti Tobhiya naSanibharati vaiva vamuhaya.

13 Naizvozvo wakahaiwa kuti nditye ndigoita saizvozvo ndigotadza, kuti vave nechimwe nezita rakaipa, kuti vandishore.

14 Rangarirai, Mwari wangu, zvaTobhiya nezvaSanibharati zvichienderana nemabasa ake awa, uyewo nezvaNowadhiya muporofitakadzi, nezvevamwe vevaporofita, vaindityityidzira.

15 Zvino rusvingo rwakapera neremakumi maviri nemashanu raEruri, mumazuva makumi mashanu nemaviri.

16 Zvino zvakaitika vavengi vedu vose pavakanzwa nendudzi dzose dzakapotoredza dzichiona, kuti vakawa zvikuru pameso avo, nokuti vakaziva kuti basa iri rakaitwa naMwari wedu.

17 Uye mumazuva iwawo vakuru vaJudha vakawanza tsamba dzavo dzinoenda kuna Tobhiya, uye dzaTobhiya dzakauya kwavari.

18 Nokuti vazhinji kwaJudha vaiva vapika kwaari, nokuti iye waiva mukwasha waShekaniya mwanakomana waAra; uye mwanakomana wake Jehohanani waiva awana mukunda waMeshurami mwanakomana waBherekiya.

19 Uye vaitaura zviito zvake zvakanaka pamberi pangu, uye mashoko angu vaiabudisira kwaari. Tobhiya akatuma tsamba dzekundityityidzira.