ShonaTeam Nehemiah « 5 »

Nehemiya anobatsira varombo

5Zvino kwakava nekuchema kukuru kwevanhu nevakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha.

2 Nokuti kwakava nevakati: Vanakomana vedu nevanasikana vedu, isu takawanda, naizvozvo ngatitore zviyo kuti tidye tigorarama.

3 Uye kwakava nevakati: Takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa nedzimba dzedu chibatiso kuti titenge zviyo panzara.

4 Uye kwakava nevakati: Takakwereta mari yemutero wamambo, paminda yedu neminda yedu yemizambiringa.

5 Zvakadaro ikozvino nyama yedu yakaita senyama yehama dzedu, vana vedu sevana vavo; zvino tarirai tinounza muutapwa vanakomana vedu nevakunda vedu kuva varanda; uye varipo pavakunda vedu veutapwa; uye ruoko rwedu harwuna simba, nokuti vamwe vane minda yedu neminda yedu yemizambiringa.

6 Zvino ndakatsamwa kwazvo pandakanzwa kuchema kwavo nemashoko awa.

7 Zvino moyo wangu wakafunga mukati mangu, ndokurwisana nevakuru uye nevatongi, ndokuti kwavari: Imwi munokweretesa nechimbadzo, umwe neumwe hama yake. Zvino ndakagadza ungano huru pamusoro pavo.

8 Ndokuti kwavari: Isu nesimba riri matiri takatenga hama dzedu vaJudha vaiva vatengeswa kuvahedheni; nemwi muchatengesawo hama dzenyu, kana vatengeswe kwatiri here? Zvino vakanyarara, uye havana kuwana mhinduro.

9 Ndikatiwo: Chinhu chamunoita hachina kunaka. Hamufaniri kufamba mukutya Mwari wedu here nekuda kwekushora kwevahedheni vavengi vedu?

10 Neniwo, hama dzangu, nevaranda vangu, tanga tichikweretesa kwavari mari nezviyo. Ngatirege hedu chimbadzo ichi.

11 Dzoserai henyu kwavari iko nhasi minda yavo, minda yavo yemizambiringa, minda yavo yemiorivhi, nedzimba dzavo, uye chezana chemari, nechezviyo, chewaini itsva, nechemafuta, zvamunovaripisa.

12 Zvino vakati: Tichadzosa, uye hatingarevi chinhu kwavari. Tichaita saizvozvo sezvamunoreva. Zvino ndakadana vapristi, ndokuvapikisa kuti vachaita zvinoenderana neshoko iri.

13 Ndikazunzawo nguvo yepachipfuva changu, ndokuti: Saizvozvo Mwari ngaazunze umwe neumwe abve paimba yake nepabasa rake, uyo asingasimbisi shoko iri, uye saizvozvo ngaazunzwe asava nechinhu. Zvino ungano yose yakati: Ameni! Zvino vakarumbidza Jehovha. Vanhu ndokuita zvinoenderana neshoko iri.

14 Uye kubva pazuva randakagadzwa kuti ndive mutongi wavo panyika yaJudha, kubva pagore remakumi maviri kusvikawo pagore remakumi matatu nemaviri ramambo Aritakiserikisi, makore gumi nemaviri, ini nehama dzangu hatina kudya chingwa chemutongi.

15 Asi vatongi vekutanga, vakavapo pamberi pangu, vairemedza vanhu, vachitora kwavari chingwa newaini, pamusoro pemashekeri esirivha makumi mana; nevaranda vavo vakatonga zvinorema pamusoro pevanhu; asi ini handina kuita saizvozvo, nekuda kwekutya Mwari.

16 Uyewo pabasa rerusvingo urwu ndakaita nesimba uye munda hatina kutenga; nevaranda vangu vose vakaunganira basa pano.

17 Uye vaJudha nevatongi, varume zana nemakumi mashanu, neavo vakauya kwatiri vachibva kundudzi dzakatipoteredza, vaiva patafura yangu.

18 Zvino zvakagadzirirwa zuva rimwe zvaiva nzombe imwe, makwai matanhatu akasarudzwa; uye huku dzakagadzirirwa ini, uye kamwe pamazuva gumi waini zhinji yemarudzi ose; uye neizvi handina kutsvaka chingwa chemutongi, nokuti utapwa hwairema pamusoro pevanhu ava.

19 Ndirangarirei, Mwari wangu, pane zvakanaka, zvose zvandakaitira rudzi urwu.