ShonaTeam Nehemiah « 4 »

Vavengi vanoedza kuvadzivisa, asi vaJudha vanotsungirira pakuvaka Jerusarema

4Zvino zvakaitika, kuti Sanibharati paakanzwa kuti tinovaka rusvingo, wakatsamwa, akava neshungu kwazvo, ndokuseka vaJudha.

2 Zvino wakataura pamberi pehama dzake nehondo yeSamariya, ndokuti: VaJudha ava vasina simba vanoitei? Vachazvisimbisa here? Vachabaira here? Vachapedza pazuva rimwe here? Vachamutsiridza mabwe here pamatutu eguruva, izvo zvakatsva here?

3 Zvino Tobhiya muAmoni waiva naye, ndokuti: Neicho chavanovaka, kana gava rikakwira, richakoromora rusvingo rwavo rwemabwe.

4 Inzwai, Mwari wedu, nokuti tinozvidzwa; mudzosere kushora kwavo pamusoro wavo, uye muvape kuva vapambwa panyika yeutapwa.

5 Zvino regai kufukidza mhosva yavo, nechivi chavo chisadzimwa kubva pamberi penyu, nokuti vakatsamwisa pamberi pevavaki.

6 Zvino takavaka rusvingo; uye rusvingo rwose rukabatanidzwa kusvika pahafu yarwo; nokuti vanhu vaiva nemoyo wekushanda.

7 Asi zvakaitika Sanibharati naTobhiya nevaArabhiya nevaAmoni nevaAshidhodhi pavakanzwa kuti kugadzirwa kwemasvingo eJerusarema kwakwirira, kuti maburi otanga kudzivirwa, vakatsamwa kwazvo.

8 Zvino vakarangana vose pamwe chete kuti vauye varwe neJerusarema, uye kuti vaite nyonganiso mariri.

9 Asi takanyengetera kuna Mwari wedu, ndokuvaisira varindi masikati neusiku, nekuda kwavo.

10 Zvino Judha wakati: Simba revatakuri vemitoro raderera, uye marara akawanda; saka isu hatigoni kuvaka rusvingo.

11 Zvino vavengi vedu vakati: Havangazivi kana kuona, kusvika tapinda pakati pavo ndokuvauraya, tigomisa basa.

12 Zvino zvakaitika kuti vaJudha vaigara pedo navo vakasvika vakati kwatiri kagumi: Munobva kunzvimbo dzose munofanira kudzokera kwatiri.

13 Naizvozvo ndakagadza panzvimbo dzakadereresa shure kwerusvingo panzvimbo dziri pachena, hongu ndakagadza vanhu zvichitevera mhuri vane minondo yavo, mapfumo avo, neuta hwavo.

14 Zvino ndakatarira, ndokusimuka, ndokuti kuvakuru nekuvatongi nekune vamwe vevanhu: Musavatya; rangarirai Ishe mukuru uye anotyisa, mugorwira hama dzenyu, vanakomana venyu, nevakunda venyu, vakadzi venyu, nedzimba dzenyu.

15 Zvino zvakaitika vavengi vedu pavakanzwa kuti zvazikanwa kwatiri, kuti Mwari wakakonesa kurangana kwavo, takadzokera tose kurusvingo, umwe neumwe kubasa rake.

16 Zvino zvakaitika kubva pazuva iroro, hafu yevaranda vangu vakaita basa, uye hafu yavo vakabata mapfumo, nhovo, neuta, nenguvo dzematare; uye vatongi vaiva shure kweimba yose yaJudha.

17 Vaivaka parusvingo, nevaitakura mitoro, vaitutira, umwe neumwe nerumwe rwemaoko ake waishanda pabasa, nerwumwe rwakabatira pachombo chekurwa.

18 Zvino vavaki, umwe neumwe waiva nemunondo wake wakasungirwa muchiuno chake vachivaka, uye wairidza hwamanda waiva parutivi rwangu.

19 Zvino ndakati kuvakuru nekuvatongi nekune vamwe vevanhu: Basa iguru uye rakapararira, nesu takaparadzana parusvingo, umwe ari kure neumwe.

20 Panzvimbo pamunonzwa kurira kwehwamanda, unganai ipapo kwatiri. Mwari wedu achatirwira.

21 Saizvozvo takashanda pabasa; uye hafu yavo vaiva vakabata mapfumo, kubva pakusimuka kwemambakwedza kusvika pakubuda kwenyeredzi.

22 Panguva iyo ndakatiwo kuvanhu: Umwe neumwe nemuranda wake ngaarare mukati meJerusarema, kuti vave varindi kwatiri usiku, nevashandi masikati.

23 Naizvozvo hakuna, ini, kana hama dzangu, kana varanda vangu, kana varume vevarindi vaiva shure kwangu, hakuna wedu akakurura nguvo dzedu; umwe neumwe wakadzikururira kushamba.