ShonaTeam Nehemiah « 3 »

Masvingo nemasuwo eJerusarema anovakwazve

3Zvino Eriashibhi mupristi mukuru wakasimuka pamwe nehama dzake vapristi, ndokuvaka suwo remakwai; ivo ndokuriita dzvene, ndokumisa magonhi aro; uye vakariita dzvene kusvika pashongwe yeMeya kusvika pashongwe yeHananeri.

2 Zvino kurutivi rwake kwakavaka varume veJeriko. Nekurutivi rwavo kwakavaka Zakuri mwanakomana waImiri.

3 Zvino suwo rehove vakavaka vanakomana vaHasenaa; ivo vakamisa mapuranga aro, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro.

4 Nekurutivi rwavo wakagadzira Meremoti mwanakomana waUriya mwanakomana waKozi. Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Meshurami mwanakomana waBherekiya mwanakomana waMeshezabheeri. Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Zadhoki mwanakomana waBhaana.

5 Zvino kurutivi rwavo VaTekoi vakagadzira; asi vakuru vavo havana kuisa mutsipa wavo pabasa rashe wavo.

6 Zvino suwo rekare wakagadzira Joyadha mwanakomana waPaseya, naMeshurami mwanakomana waBhesodheya; ivo vakaisa mapuranga aro, ndokumisa magonhi aro, nekiyi dzaro, nemazariro aro.

7 Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Meratiya muGibhiyoni, naJadhoni muMeronoti, varume veGibhiyoni neveMizipa, kusvika kuchigaro cheushe chemutongi wemhiri kwerwizi.

8 Kurutivi rwake wakagadzira Uziyeri mwanakomana waHarihaya wevapfuri vegoridhe. Uye kurutivi rwake wakagadzira Hananiya, umwe wevavhenganisi vezvinonhuhwira; zvino vakagadzira Jerusarema kusvika parusvingo rwakapamhama.

9 Nekurutivi rwavo wakagadzira Refaya mwanakomana waHuri, mutongi wehafu yedunhu reJerusarema.

10 Zvino kurutivi rwavo wakagadzira Jedhaya mwanakomana waHarumafi, uye pakatarisana neimba yake. Zvino kurutivi rwake wakagadzira Hatushi mwanakomana waHashabheneya.

11 Chiyero chechipiri vakagadzira Marikia mwanakomana waHarimi, naHashubhi mwanakomana waPahati-Moabhi, neshongwe yemavira emoto.

12 Zvino kurutivi rwake wakagadzira Sharumi mwanakomana waHaroheshi, mutongi wehafu yedunhu reJerusarema, iye nevakunda vake.

13 Suwo remupata wakagadzira Hanuni nevagari veZanowa; ivo vakarivaka, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro; uye makubhiti churu erusvingo kusvika pasuwo remufudze.

14 Zvino suwo remufudze wakagadzira Marikiya mwanakomana waRekabhi, mutongi wedunhu reBheti-Hakeremi; iye wakarivaka, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro.

15 Zvino suwo retsime wakagadzira Sharumi mwanakomana waKori-Hoze, mutongi wedunhu reMizipa; iye wakarivaka, ndokuripfurira, ndokumisa magonhi aro, kiyi dzaro, nemazariro aro; uye rusvingo rwedziva reShera pabindu ramambo, uye kusvika pamitanho inoburuka kubva muguta raDhavhidhi.

16 Shure kwake kwakagadzira Nehemiya mwanakomana waAzibhuki, mutongi wehafu yedunhu reBheti-Zuri, kusvika pakatarisana nemakuva aDhavhidhi, uye kusvika kudziva raiva raitwa, uye kusvika kuimba yevane simba.

17 Shure kwake kwakagadzira vaRevhi: Rehumi mwanakomana waBhani. Kurutivi rwake wakagadzira Hashabhiya mutongi wehafu yedunhu reKeira, padunhu rake.

18 Shure kwake kwakagadzira hama dzavo, Bhavhai mwanakomana waHenadhadhi, mutongi wehafu yedunhu reKeira.

19 Zvino kurutivi rwake wakagadzira Ezeri mwanakomana waJeshuwa, mutongi weMizipa, chimwe chiyero, pakatarisana nemukwidza weimba yenhumbi dzehondo, pakona.

20 Shure kwake kwakagadzira nekushingaira Bharuki mwanakomana waZabhai chiyero chechipiri kubva pakona kuenda kumukova weimba yaEriashibhi mupristi mukuru.

21 Shure kwake kwakagadzira chimwe chiyero Meremoti mwanakomana waUriya mwanakomana waHakozi, kubva pamukova weimba yaEriashibhi kusvika pakuguma kweimba yaEriashibhi.

22 Zvino shure kwake kwakagadzira vapristi, varume venzvimbo yakapoteredza.

23 Shure kwake kwakagadzira Bhenjamini naHashubhi pakatarisana neimba yavo. Shure kwake kwakagadzira Azariya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waAnania parutivi rweimba yake.

24 Shure kwake kwakagadzira Bhinui mwanakomana waHenadhadhi chimwe chiyero, kubva paimba yaAzariya kusvika pakona, kunosvikazve panotenderera.

25 Parari mwanakomana waUzayi, pakatarisana nekona, neshongwe inobuda paimba yepamusoro yamambo, iri pachivanze chevarindi. Shure kwake Pedhaya mwanakomana waParoshi.

26 Zvino VaNetinimi vaigara muOferi, kusvika pakatarisana nesuwo remvura nechekumabvazuva neshongwe yakabudikira.

27 Shure kwake VaTekoi vakagadzira chimwe chiyero pakatarisana neshongwe huru yakabudikira, kusvikawo parusvingo rweOferi.

28 Kubva pamusoro pesuwo remabhiza kwakagadzira vapristi, umwe neumwe pakatarisana neimba yake.

29 Shure kwavo kwakagadzira Zadhoki mwanakomana waImeri, pakatarisana neimba yake. Uye shure kwake kwakagadzira Shemaya mwanakomana waShekaniya, murindi wesuwo rekumabvazuva.

30 Shure kwake kwakagadzira Hananiya mwanakomana waSheremiya, naHanuni mwanakomana wechitanhatu waZarafi chimwe chiyero. Shure kwake kwakagadzira Meshurami mwanakomana waBherekiya pakatarisana nekamuri yake.

31 Shure kwake kwakagadzira Marikiya umwe wevapfuri vegoridhe, kusvika kuimba yevaNetinimi neyevatengesi, pakatarisana nesuwo raMifekadhi, kusvika pakamuri yekumusoro yepakona.

32 Zvino pakati nepakati peimba yekumusoro yepakona nesuwo remakwai, vapfuri vegoridhe nevatengesi vakagadzira.