ShonaTeam Nehemiah « 2 »

Aritakiserikisi anotendera Nehemiya kunovaka Jerusarema

2Zvino zvakaitika mumwedzi weNisani, mugore remakumi maviri ramambo Aritakiserikisi, waini iri pamberi pake. Zvino ndakasimudza waini, ndokupa kuna mambo. Zvino ndaiva ndisati ndambosuwa pamberi pake.

2 Mambo ndokuti kwandiri: Chiso chako chakasuruvara nei iwe zvausingarwari? Hachisi chinhu kunze kwekusuwa kwemoyo. Zvino ndakatya zvikuru kwazvo.

3 Zvino ndakati kuna mambo: Mambo ngaararame nekusingaperi! Chiso changu chingaregerei kusuwa, kana guta muzinda wemakuva emadzibaba angu riri dongo, nemasuwo aro apedzwa nemoto?

4 Mambo ndokuti kwandiri: Ikozvino unotsvakei? Zvino ndakanyengetera kuna Mwari wekumatenga.

5 Zvino ndakati kuna mambo: Kana zvakanaka kuna mambo, uye kana muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, kuti munditume kwaJudha, kuguta remakuva emadzibaba angu, zvino ndichanorivaka.

6 Mambo ndokuti kwandiri (vahosiwo vaiva vagere naye): Rwendo rwako ruchava kusvika rinhi? Uchadzoka rinhi? Zvino mambo akatenda kundituma. Uye ndikamutarira nguva.

7 Ndakatiwo kuna mambo: Kana zvichifadza mambo, tsamba ngadzipiwe kwandiri kuenda kuvatongi mhiri kwerwizi, kuti vandipfuudze kusvika ndasvika kwaJudha;

8 netsamba kuna Asafi muchengeti wesango riri ramambo, kuti ape kwandiri matanda ekuita mapuranga emasuwo emuzinda waiva nechepamba, neerusvingo rweguta, neeimba yandichapinda mairi. Mambo ndokundipa zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wangu pamusoro pangu.

9 Zvino ndakasvika kuvatongi mhiri kwerwizi, ndokuvapa tsamba dzamambo. Zvino mambo waiva atuma pamwe neni vatungamiriri vehondo nevatasvi vemabhiza.

10 Sanibharati muHoroni naTobhiya muranda muAmoni pavakanzwa, vakadedera zvakaipa kwazvo kuti kwakasvika munhu anotsvakira vana vaIsraeri zvakanaka.

11 Zvino ndakasvika kuJerusarema ndokuvako mazuva matatu.

12 Zvino ndakasimuka usiku, ini nevarume vashoma pamwe neni; uye handina kuudza munhu izvo Mwari wangu zvaakaisa mumoyo mangu kuti ndiite paJerusarema; uye paiva pasina mhuka pamwe neni kunze kwemhuka yandaiva ndakatasva.

13 Zvino ndakabuda pausiku nesuwo remupata, uye kumberi kwechitubu chebukanana, nepasuwo remufudze, ndokucherekedza masvingo eJerusarema aiva akoromoka, nemasuwo aro akapedzwa nemoto.

14 Zvino ndakapfuurira kusuwo retsime, nekudziva ramambo; asi paiva pasina nzvimbo yemhuka kupfuura nepasi pangu.

15 Zvino ndakakwira neparukova pausiku ndichicherekedza rusvingo; ndokutendeuka ndokupinda nepasuwo remupata, ndokudzoka.

16 Zvino vatongi havana kuziva kwandaiva ndaenda uye kuti ndakaitei; uye kuvaJudha nekuvapristi nekuvabati nekuvatungamiriri nekune vamwe vaiita basa, kusvika nhasi handina kuzvitaura.

17 Zvino ndakati kwavari: Munoona dambudziko ratiri mariri, kuti Jerusarema idongo, nemasuwo aro akapiswa nemoto; uyai, uye ngativake rusvingo rweJerusarema, kuti tisachivazve chiseko.

18 Zvino ndakavaudza zveruoko rwaMwari wangu rwakanaka pamusoro pangu, uyewo mashoko amambo aakataura kwandiri. Zvino vakati: Ngatisimuke tivake. Naizvozvo vakasimbisa maoko avo pane zvakanaka.

19 Asi Sanibharati muHoroni, naTobhiya muranda muAmoni, naGeshemu muArabhiya, pavakanzwa, vakatisvabaidza, ndokutizvidza, ndokuti: Chii chinhu ichi chamunoita? Munomukira mambo kanhi?

20 Zvino ndakavadzosera shoko, ndokuti kwavari: Mwari wekumatenga, iye achatibudiririsa; nesu varanda vake tichasimuka tivake; asi imwi hamuna mugove nekodzero nechirangaridzo paJerusarema.