ShonaTeam Nehemiah « 1 »

Munyengetero waNehemiya

1 Mashoko aNehemiya mwanakomana waHakariya. Zvino zvakaitika mumwedzi weKisirevhi, mugore remakumi maviri, ini pandaiva ndiri paShushani muzinda,

2 kuti Hanani, umwe wehama dzangu, wakasvika iye nevarume vaibva kwaJudha; zvino ndakavabvunza maererano nevaJudha vaiva vapukunyuka vakasara pautapwa, uye maererano neJerusarema.

3 Zvino vakati kwandiri: Vasiiwa, vakasarapo pakutapwa padunhu, vari pakutambudzika kukuru nepakushorwa; uye rusvingo rweJerusaremawo rwakoromoka, nemasuwo aro apiswa nemoto.

4 Zvino zvakaitika pandanzwa mashoko awa, kuti ndakagara pasi ndokuchema, ndokurira kwemazuva; uye ndaitsanya, nekunyengetera pamberi paMwari wekumatenga.

5 Zvino ndakati: Haiwa Jehovha Mwari wekumatenga, Mwari mukuru uye anotyisa, anochengetedza sungano netsitsi kune vanomuda uye vachichengeta mirairo yake.

6 Nzeve yenyu ikozvino ngaiteerere, nemeso enyu asvinure, kuti munzwe munyengetero wemuranda wenyu, wandinonyengetera pamberi penyu nhasi, masikati neusiku pamusoro pevana vaIsraeri varanda venyu, uye ndichireurura nekuda kwezvivi zvevana vaIsraeri zvatakakutadzirai. Hongu, ini neveimba yababa vangu takatadza.

7 Takakuitirai zvakaipa kwazvo, uye hatina kuchengeta mirairo nezvimiso nemitongo zvamakaraira muranda wenyu Mozisi.

8 Rangarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mozisi muchiti: Kana imwi mukadarika, ini ndichakuparadzirai pakati pemarudzi.

9 Kana imwi mukadzokera kwandiri, mukachengeta mirairo yangu nekuiita, kana vakarashwa venyu vari kumacheto ekumatenga, ndichavaunganidza kubva ipapo, uye ndichavaunza panzvimbo yandakasarudza kugarisa zita rangupo.

10 Zvino ava varanda venyu uye vanhu venyu, vamakadzikinura nesimba renyu guru, uye neruoko rwenyu rwune simba.

11 Haiwa, Ishe, nzeve yenyu ngaiteerere ikozvino kumunyengetero wemuranda wenyu nekumunyengetero wevaranda venyu vanoshuva kutya zita renyu; mugobudiririsa henyu muranda wenyu nhasi, mumupe ngoni pamberi pemunhu uyu.

Zvino ini ndaiva ndiri mudiri wamambo.