ShonaTeam Ezra « 10

Vakadzi vatorwa vanodzingwa

10Zvino Ezira wakati anyengetera, uye paaireurura, achichema nekuzviwisira pasi pamberi peimba yaMwari, kwakaungana kwaari kubva kwaIsraeri ungano huru-huru yevarume nevakadzi nevana; nokuti vanhu vakachema kuchema kukuru.

2 Zvino Shekaniya mwanakomana waJehieri, umwe wevanakomana vaErami, wakapindura ndokuti kuna Ezira: Isu takatadzira Mwari wedu ndokuwana vakadzi vatorwa vendudzi dzenyika; asi ikozvino tariro iriko kwaIsraeri maererano neizvi.

3 Naizvozvo zvino ngatiite sungano naMwari wedu, kuti tibudise vakadzi ava vose, nevakaberekwa navo, sezano rashe wangu, nereavo vanobvunda pamurairo waMwari wedu; uye ngazviitwe zvichienderana nemurairo.

4 Simukai, nokuti nyaya iri pamusoro penyu, uye isu tinemwi; simbai muite.

5 Zvino Ezira wakasimuka, ndokupikisa vakuru vevapristi, vaRevhi, naIsraeri wose, kuti vaite zvinoenderana neshoko iri. Ivo ndokupika.

6 Zvino Ezira wakasimuka kubva pamberi peimba yaMwari, ndokupinda mukamuri raJehohanani mwanakomana waEriashibhi; pakusvika kwakepo, chingwa haana kudya, uye mvura haana kunwa, nokuti anochema nekuda kwechitadzo chevatapwa.

7 Zvino vakaita danidziro kupfuura nepaJudha neJerusarema kuvana vose veutapwa kuti vaungane paJerusarema.

8 Uye ani nani asina kusvika mumazuva matatu, zvichienderana nezano remachinda nevakuru, nhumbi dzake dzose dzichatorwa, naiye achaparadzaniswa neungano yevatapwa.

9 Zvino varume vose vaJudha naBhenjamini vakaungana paJerusarema mumazuva matatu; waiva mwedzi wepfumbamwe, neremakumi maviri remwedzi; vanhu vose ndokugara pachivanze cheimba yaMwari, vachibvunda nekuda kwenyaya iyi uye nekuda kwemvura huru.

10 Zvino Ezira mupristi wakasimuka, ndokuti kwavari: Imwi makadarika ndokuwana vakadzi vatorwa, kuwedzera chitadzo chaIsraeri.

11 Naizvozvo zvino itai reururo kuna Jehovha Mwari wemadzibaba enyu, uye muite chido chake, muzvitsaure kundudzi dzenyika nekuvakadzi vatorwa.

12 Zvino ungano yose yakapindura ndokuti nenzwi guru: Semashoko enyu, saizvozvo zviri pamusoro pedu kuti tizviite.

13 Asi vanhu vazhinji, uye inguva yemvura zhinji, uye hatigoni kumira kunze; uye harisi basa rezuva rimwe kana mazuva maviri, nokuti tiri vazhinji vakadarika pachinhu ichi.

14 Zvino machinda edu eungano yose ngaamire, uye vose vari mumaguta edu vakawana vakadzi vatorwa ngavauye panguva dzakatarwa uye pamwe navo vakuru veguta rimwe nerimwe, nevatongi varo, kusvika tadzosa kutsamwa kunopfuta kwaMwari wedu kubva kwatiri, nekuda kwenyaya iyi.

15 Jonatani mwanakomana waAsaheri naJazeya mwanakomana waTikivha voga vakamira kupikisa izvi; uye Meshurami nemuRevhi Shabhetai vakavabatsira.

16 Zvino vana veutapwa vakaita saizvozvo; uye Ezira mupristi, varume, misoro yemadzibaba neimba yemadzibaba avo, nevose vavo nemazita, vakatsaurwa, ndokugara pazuva rekutanga remwedzi wegumi kunzvera nyaya iyi.

17 Zvino vakapedzerana nevarume vose vaiva vawana vakadzi vatorwa kusvika pazuva rekutanga remwedzi wekutanga.

18 Nepavanakomana vevapristi pakawanikwa vaiva vawana vakadzi vatorwa. Pavanakomana vaJeshuwa mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, naEriezeri, naJaribhi, naGedhariya.

19 Zvino vakapa ruoko rwavo kubudisa vakadzi vavo, nokuti vane mhosva, vakapa gondohwe remakwai pamhosva yavo.

20 Nepavanakomana vaImeri: Hanani naZebhadhia.

21 Nepavanakomana vaHarimi: Maaseya, naEria, naShemaya naJehieri, naUziya.

22 Nepavanakomana vaPashuri: Erioenai, Maaseya, Ishimaeri, Netaneri, Jozabhadhi, naErasha.

23 NepavaRevhi: Jozabhadhi, naShimei, naKeraya (ndiye Kerita), Petahia, Judha, naEriezeri.

24 Pavaimbiwo: Eriashibhi. Nepavarindi vemikova: Sharumi, naTeremi, naUri.

25 Nepana Israeri: Pavanakomana vaParoshi: Ramiya, naIziya, naMarikiya, naMiyamini, naEriazari, naMarikiya, naBhenaya.

26 Nepavanakomana vaErami: Mataniya, Zekariya, naJehieri, naAbhidhi, naJeremoti, naEriya.

27 Nepavanakomana vaZatu: Eriowenai, Eriashibhi, Mataniya, naJeremoti, naZabhadi, naAziza.

28 Nepavanakomana vaBhebhayi: Jehohanani, Hananiya, Zabhai, Atirai.

29 Nepavanakomana vaBhani: Meshurami, Maruki, naAdhaya, Jashubhi, naSheari, naRamoti.

30 Nepavanakomana vaPahati-Moabhi: Adhina, naKerari, Bhenaya, Maaseya, Mataniya, Bhezareeri, naBhinui, naManase.

31 Nepavanakomana vaHarimi: Eriezeri, Ishiya, Marikiya, Shemaya, Shimeoni,

32 Bhenjamini, Maruki, Shemariya.

33 Pavanakomana vaHashumi: Matenai, Matata, Zabhadhi, Erifereti, Jeremai, Manase, Shimei.

34 Pavanakomana vaBhani: Maadhai, naAmiramu, naUweri,

35 Bhenaya, Bhedheya, Keruhi;

36 Vhaniya, Meremoti, Eriashibhi,

37 Mataniya, Matenai, naJaasa,

38 naBhani, naBhinui, Shimei,

39 naSheremiya, naNatani, naAdhaya,

40 Makinadhebhai, Shashai, Sharai,

41 Azareri, naSheremiya, Shemariya,

42 Sharumi, Amariya, Josefa.

43 Pavanakomana vaNebho: Jeieri, Matitia, Zabhadhi, Zebhina, Jadhai, naJoweri, Bhenaya.

44 Ava vose vaiva vawana vakadzi vatorwa; uye varipo pakati pavo vakadzi vavaiva nevana navo.