ShonaTeam Ezra « 9 »

Ezira anochema pamusoro pezvivi zvevanhu vake

9Zvino pakupera kwezvinhu izvi kwakaswedera kwandiri machinda achiti: Vanhu vaIsraeri nevapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kubva pavanhu vedzinyika zvichienderana nezvinyangadzo zvavo, ivo vaKenani, vaHiti, vaPerezi, vaJebhusi, vaAmoni, vaMoabhu, vaEgipita, nevaAmori.

2 Nokuti vakazvitorera kubva pavakunda vavo ivo nevanakomana vavo, kusvika vasanganisa mbeu tsvene nemarudzi edzinyika, hongu, ruoko rwemachinda nevabati rwaiva rwekutanga pachitadzo ichi.

3 Zvino pakunzwa kwangu chinhu ichi, ndakabvarura nguvo yangu nejazi rangu, ndokudzura pavhudzi remusoro wangu nerendebvu dzangu, ndokugara pasi ndakakanuka.

4 Zvino kwakaungana kwandiri umwe neumwe waibvunda pamashoko aMwari waIsraeri nekuda kwechitadzo chevatapwa; zvino ndakagara ndakakanuka kusvika pachipo chemadekwani.

5 Zvino pachipo chemadekwani ndakasimuka pakuninipiswa kwangu, uye pakubvarura kwangu nguvo yangu nejazi rangu; ndikakotamira pasi nemabvi angu, ndikatandavadzira maoko angu kuna Jehovha Mwari wangu;

6 ndokuti: Mwari wangu, ndinonyara uye ndinosvoda kusimudzira chiso changu kwamuri, Mwari wangu; nokuti zvivi zvedu zvawanda kupfuura misoro yedu, uye mhosva yedu yakakura kusvika kumatenga.

7 Kubva pamazuva emadzibaba edu tiri muchitadzo chikuru kusvika pazuva rino; zvino nekuda kwekuipa kwedu isu, madzimambo edu, vapristi vedu, takapiwa muruoko rwemadzimambo edzinyika, kumunondo, mukutapwa, nemukupambiwa, uye munyadzi dzechiso, sezuva rino.

8 Zvino ikozvino kwechinguvana tsitsi dzaitwa naJehovha Mwari wedu, kutisiira kupukunyuka, nekutipa mbambo panzvimbo yake tsvene, kuti Mwari wedu avhenekere meso edu, uye atipe raramo diki pautapwa hwedu.

9 Nokuti tiri nhapwa; asi Mwari wedu haana kutisiya muutapwa hwedu, asi wakapfuudzira tsitsi kwatiri pamberi pemadzimambo ePerisiya, kutipa raramo, kusimudza imba yaMwari wedu, nekugadzirisa matongo ayo, nekutipa rusvingo paJudha nepaJerusarema.

10 Zvino ikozvino, Mwari wedu, tichatii shure kweizvi? Nokuti takasiya mirairo yenyu,

11 yamakaraira neruoko rwevaranda venyu vaporofita, muchiti: Nyika kwamunoenda kuigara nhaka inyika yakasviba nekusviba kwemarudzi enyika idzo, nezvinyangadzo zvavo, zvakaizadza kubva kumucheto kusvika kumucheto, nekusachena kwadzo.

12 Naizvozvo ikozvino, regai kupa vakunda venyu kuvanakomana vavo, kana kutorera vakunda vavo vanakomana venyu, kana kutsvaka rugare rwavo kana zvakanaka zvavo kusvika rinhi narinhi, kuti musimbe mudye zvakanaka zvenyika, muisiire vana venyu ive nhaka kusvika rinhi narinhi.

13 Zvino shure kwezvose zvakatiwira, nekuda kwezviito zvedu zvakaipa uye kwemhosva yedu yakakura, nokuti imwi Mwari wedu makazvidzora pakutiranga zvishoma pane zvivi zvedu, ndokutipa kupukunyuka kwakadai.

14 Tichagurazve mirairo yenyu here tigowanana nerudzi rwezvinyangadzo izvi? Hamungatitsamwiri kusvika matiparadza here, kusvika kusina musiiwa kana kupukunyuka?

15 Jehovha, Mwari waIsraeri, imwi makarurama; nokuti tasiirwa kupukunyuka, sezuva rino; tarirai tiri pamberi penyu pamhosva yedu; nokuti hakuna angamira pamberi penyu nekuda kwechinhu ichi.