ShonaTeam Ezra « 8 »

Mazita evaJudha vakanosvika kuJerusarema naEzira

8Zvino ava ndivo misoro yemadzibaba avo, uye rudzi rweavo vakakwira neni kubva kuBhabhironi, pakutonga kwaAritakiserikisi mambo.

2 Pavanakomana vaPinehasi, Gerishomu; pavanakomana vaItamari, Dhaniyeri; pavanakomana vaDhavhidhi, Hatushi.

3 Pavanakomana vaShekaniya, pavanakomana vaParoshi, Zekariya; uye pamwe naye kwakaverengwa nemarudzi evanhurume, zana nemakumi mashanu.

4 Pavanakomana vaPahati-Moabhi, Eriowenai mwanakomana waZerahiya; uye pamwe naye vanhurume mazana maviri.

5 Pavanakomana vaShekaniya, mwanakomana waJahazieri; uye pamwe naye vanhurume mazana matatu.

6 Uye pavanakomana vaAdhini, Ebhedhi mwanakomana waJonatani; uye pamwe naye vanhurume makumi mashanu.

7 Nepavanakomana vaErami, Jeshaya mwanakomana waAtariya; uye pamwe naye vanhurume makumi manomwe.

8 Uye pavanakomana vaShefatiya, Zebhadhiya mwanakomana waMikayeri; uye pamwe naye vanhurume makumi masere.

9 Pavanakomana vaJoabhi, Obhadhiya mwanakomana waJehieri; uye pamwe naye vanhurume mazana maviri negumi nevasere.

10 Nepavanakomana vaSheromiti, mwanakomana waJosifiya; uye pamwe naye vanhurume zana nemakumi matanhatu.

11 Nepavanakomana vaBhebhayi, Zekariya mwanakomana waBhebhayi; uye pamwe naye vanhurume makumi maviri nevasere.

12 Nepavanakomana vaAzagadhi, Johwanani mwanakomana waHakatani; uye pamwe naye vanhurume zana negumi.

13 Nepavanakomana vekupedzisira vaAdhonikami, avo mazita avo ari awa: Erifereti, Jeieri, naShemaya; uye pamwe navo vanhurume makumi matanhatu.

14 Uye pavanakomana vaBhigivhai, Utai naZabhudhi; uye pamwe navo vanhurume makumi manomwe.

15 Zvino ndakavaunganidza parwizi rwunoenda kuAhavha; tikadzika musasapo mazuva matatu; ndokucherekedza vanhu nevapristi, uye handina kuwanapo wevanakomana vaRevhi.

16 Zvino ndakatuma nhume kuna Eriezeri, kuna Arieri, kuna Shemaya, nekuna Erinatani, nekuna Jaribhati, nekuna Erinatani, nekuna Natani, nekuna Zekariya, nekuna Meshurami, misoro, nekuna Joyaribhi, nekuna Erinatani, vainzwisisa.

17 Zvino ndakavatuma kuna Idho musoro panzvimbo Kasifiya; ndokuisa mumuromo mavo mashoko ekutaura kuna Idho, nehama dzake VaNetinimi, panzvimbo Kasifiya, kuti vauye kwatiri nevashumiri veimba yaMwari wedu.

18 Zvino zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wedu pamusoro pedu, vakativigira munhu anonzwisisa, wevanakomana vaMahiri, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waIsraeri; naSherebhiya, nevanakomana vake nehama dzake, gumi nevasere;

19 naHashabhiya, uye pamwe naye Jeshaya wevanakomana vaMerari, hama dzake nevanakomana vavo, makumi maviri;

20 paVaNetinimiwo, Dhavhidhi nemachinda vavaiva vapa pabasa revaRevhi, VaNetinimi mazana maviri nemakumi maviri; vose vakarehwa nemazita.

21 Zvino ndakadanidzirapo mutsanyo parwizi rweAhavha, kuti tizvirwadzise pamberi paMwari wedu, kutsvaka kwaari nzira yakatiruramira isu nevanana vedu nefuma yedu yose.

22 Nokuti ndakanyara kukumbira kuna mambo boka revarwi nevatasvi vemabhiza kutibatsira kurwisa vavengi panzira; nokuti taiva tataura namambo, tichiti: Ruoko rwaMwari wedu rwuri pamusoro pevose vanomutsvaka kuti zvivanakire; asi simba rake nehasha dzake zviri pamusoro pevose vanomusiya.

23 Naizvozvo takatsanya, ndokutsvaka kuna Mwari wedu pamusoro paizvozvi; zvino akanyengetedzeka nesu.

24 Zvino ndakatsaura gumi nevaviri pamisoro yevapristi, vaiti: Sherebhia, Hashabhiya, uye gumi vehama dzavo pamwe navo;

25 ndokuvayerera sirivha, negoridhe, nemidziyo, chipo cheimba yaMwari wedu, mambo nemakurukota ake nemachinda ake naIsraeri wose waivapo chavaiva vapa.

26 Ndakayererawo muruoko rwavo matarenda mazana matanhatu nemakumi mashanu esirivha, nematarenda zana emidziyo yesirivha, nematarenda zana egoridhe;

27 nembiya makumi maviri dzegoridhe rakasvika madhariki churu; nemidziyo miviri yendarira yakanaka inopenya yaishuviwa segoridhe.

28 Zvino ndakati kwavari: Imwi muri vatsvene kuna Jehovha, nemidziyo mitsvene, uye sirivha negoridhe, chipo chekuzvidira kuna Jehovha Mwari wemadzibaba enyu.

29 Muzvirindire, uye muchengetedze, kusvika mazviyera pamberi pemisoro yevapristi nevaRevhi, nemisoro yemadzibaba aIsraeri paJerusarema, mumakamuri eimba yaJehovha.

30 Zvino vapristi nevaRevhi vakagamuchira chiyero chesirivha nechegoridhe nechemidziyo, kuti vazviise paJerusarema paimba yaMwari wedu.

31 Zvino takabva parwizi rweAhavha neregumi nemaviri remwedzi wekutanga kuenda kuJerusarema; uye ruoko rwaMwari wedu rwaiva pamusoro pedu, akatinunura paruoko rwemuvengi nemuvandiri panzira.

32 Zvino takasvika paJerusarema, ndokugarapo mazuva matatu.

33 Zvino pazuva rechina sirivha negoridhe nemidziyo zvakayerwa muimba yaMwari wedu neruoko rwaMeremoti mwanakomana wemupristi Uriya; uye pamwe naye Eriazari mwanakomana waPinehasi, uye pamwe navo Jozabhadhi mwanakomana waJeshuwa, naNowadhiya mwanakomana waBhinui, vaRevhi,

34 pauwandu uye pauremu hwezvose; uye uremu hwose hwakanyorwa panguva iyoyo.

35 Vana veutapwa vaiva vadzoka pautapwa vakapa zvipo zvinopiswa kuna Mwari waIsraeri, nzombe diki gumi nembiri dzaIsraeri wose, makondohwe makumi mapfumbamwe nematanhatu, makwayana makumi manomwe nemanomwe, nhongo gumi nembiri dzembudzi, chipo chechivi; zvose chiri chipo chinopiswa kuna Jehovha.

36 Zvino vakapa mirairo yamambo kumachinda amambo nevatongi mhiri kwerwizi, ivo ndokutsigira vanhu neimba yaMwari.