ShonaTeam Ezra « 7 »

Ezira anotumwa kuJerusarema namambo Aritakiserikisi

7Zvino shure kwezvinhu izvi, pakutonga kwaAritakiserikisi mambo wePerisiya: Ezira mwanakomana waSeraya, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waHirikiya,

2 mwanakomana waSharumi, mwanakomana waZadhoki, mwanakomana waAhitubhi,

3 mwanakomana waAmariya, mwanakomana waAzariya, mwanakomana waMerayoti,

4 mwanakomana waZerahiya, mwanakomana waUzi, mwanakomana waBhuki,

5 mwanakomana waAbhishuwa, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni, mupristi mukuru.

6 Uyu Ezira wakakwira kubva kuBhabhironi, uye waiva munyori nyanzvi pamurairo waMozisi, uyo Jehovha Mwari waIsraeri waakapa; mambo ndokumupa chikumbiro chake chose, zvichienderana neruoko rwaJehovha Mwari wake pamusoro pake.

7 Zvino kwakakwira vamwe vevana vaIsraeri, nevevapristi, nevaRevhi, nevaimbi, nevachengeti vemikova, nevaNetinimi, kuenda kuJerusarema mugore rechinomwe ramambo Aritakiserikisi.

8 Zvino wakasvika paJerusarema mumwedzi weshanu riri gore rechinomwe ramambo.

9 Nokuti pane rekutanga remwedzi wekutanga wakatanga kukwira achibva kuBhabhironi, uye nerekutanga remwedzi weshanu wakasvika paJerusarema, zvichienderana neruoko rwakanaka rwaMwari wake pamusoro pake.

10 Nokuti Ezira waiva agadzirira moyo yake kutsvaka murairo waJehovha, nekuita, nekudzidzisa kwaIsraeri zvimiso nemitongo.

11 Zvino ichi ndicho chikoponorwa chetsamba mambo Aritakiserikisi yaakapa kuna Ezira mupristi, munyori, munyori wemashoko emirairo yaJehovha newezvimiso zvake kuna Israeri:

12 Aritakiserikisi mambo wemadzimambo, kuna Ezira mupristi, munyori wemurairo waMwari wekumatenga, rugare rwakakwana, uye panguva yakadai.

13 Mutemo wamiswa neni, kuti ani nani anoda paushe hwangu parudzi rwaIsraeri, nevapristi varwo nevaRevhi kuenda kuJerusarema, ngaaende newe.

14 Nokuti sezvakwakatumwa namambo nevarairiri vake vanomwe kunobvunzisisa nezvaJudha uye nezveJerusarema, zvichienderana nemurairo waMwari wako uri muruoko rwako,

15 nekutakura sirivha negoridhe, mambo nevarairiri vake zvavakapa vachizvidira kuna Mwari waIsraeri, wenzvimbo yake yekugara iri paJerusarema,

16 nesirivha yose negoridhe raungawana padunhu rose reBhabhironi, nechipo chekuzvidira chevanhu, nechevapristi vanopa nechido kuimba yaMwari wavo iri paJerusarema;

17 kuti utenge nekukurumidza nemari iyi nzombe diki, makondohwe, makwayana, pamwe nezvipo zvazvo zvechidyiwa nezvipo zvazvo zvechinwiwa, ndokuzvipa pamusoro pearitari yeimba yaMwari wenyu iri paJerusarema.

18 Zvino chipi nechipi chakakunakira iwe nehama dzako kuita nesirivha negoridhe rakasara, zviitei zvichienderana nechido chaMwari wenyu.

19 Nemidziyo inopiwa kwauri yebasa reimba yaMwari wako, zvipe zvakakwana pamberi paMwari weJerusarema.

20 Nezvimwe zvinoshaikwa paimba yaMwari wako, zvaunofanira kuripa, ripa kubva paimba yefuma yamambo.

21 Zvino ini mambo Aritakiserikisi, mutemo unomiswa neni kuvabati vose vehomwe vari mhiri kwerwizi, kuti zvose Ezira mupristi, munyori wemurairo waMwari wekumatenga zvaanokumbira kwamuri zviitwe nekukurumidza,

22 kusvika pamatarenda* zana esirivha, uye pazviyero zana zvezviyo, nepamabhati zana ewaini, nepamabhati zana emafuta, nemunyu usinganyoreki.

23 Chose chinobva kumutemo waMwari wekumatenga, ngachiitirwe imba yaMwari wekumatenga nekushingaira; nokuti pangauirei hasha pamusoro peushe hwamambo nevanakomana vake?

24 Tinokuzivisaiwo maererano neumwe neumwe wevapristi, nevaRevhi, vaimbi, varindi vemikova, VaNetinimi, nevaranda veimba iyi yaMwari, hakuna simba rekuisa pamusoro pavo mutero, mari yefaniro, nemari yenzira.

25 Zvino iwe Ezira, zvichitevera njere dzaMwari wako, dziri muruoko rwako, isa vatambi vemhosva, nevatongi vangatonga vanhu vose vari mhiri kwerwizi, vose vanoziva mirairo yaMwari wako, uye udzidzise vasingazivi.

26 Zvino ani nani asingaiti murairo waMwari wako, nemurairo wamambo, mutongo ngaukurumidze kuitwa kwaari, ungava werufu, kana kudzingwa, kana kutorerwa nhumbi, kana kuva muusungwa.

27 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wemadzibaba edu wakaisa seizvi mumoyo wamambo, kushongedza imba yaJehovha iri paJerusarema;

28 uye wakatandavadzira tsitsi kwandiri pamberi pamambo, nevarairiri vake, nepamberi pemachinda ose ane simba amambo. Neni ndikasimbiswa zvichienderana neruoko rwaJehovha Mwari wangu pamusoro pangu; zvino ndikaunganidza vakuru kwaIsraeri kukwira neni.