ShonaTeam Ezra « 6 »

6Ipapo Dhariyasi mambo wakaita mutemo; zvino vakanzvera muimba yemabhuku, paiva pakaiswa zvinokosha muBhabhironi.

2 Zvino kwakawanikwa paAkimeta, pamuzinda waiva mudunhu reMedhi, rugwaro rwakapetwa, uye marwuri maiva nechirangaridzo chakanyorwa seizvi:

3 Mugore rekutanga raKoreshi mambo, Koreshi mambo wakaita murairo: Imba yaMwari paJerusarema, imba ngaivakwe, nzvimbo pavanopa zvibairo, uye nheyo dzayo ngadziteiwe; urefu hwayo makubhiti makumi matanhatu, upamhi hwayo makubhiti makumi matanhatu;

4 ive nemitsara mitatu yemabwe makuru, nemusara wematanda matsva; uye muripo wezvishandiswa ngaupiwe kubva muimba yamambo.

5 Nemidziyowo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari, Nebhukadhinezari yaakabudisa patembere iri paJerusarema ndokuiuisa kuBhabhironi, ngaidzoswe, iuiswezve patembere iri paJerusarema, panzvimbo yayo, mugoisa muimba yaMwari.

6 Zvino, Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, Shetari-Bhozinai, nevafambidzani venyu VaAfarisaki, vari mhiri kwerwizi, ivai kure naikoko.

7 Regai basa reimba iyi yaMwari; mutongi wevaJudha nevakuru vevaJudha ngavavake imba iyi yaMwari panzvimbo yayo.

8 Uye mutemo unoitwa neni zvamuchaita kuvakuru vevaJudha ava pakuvakwa kweimba iyi yaMwari, kuti pafuma yamambo, pamutero mhiri kwerwizi, muripo wezvinoshandiswa uchapiwa kuvarume ava nekukurumidza, kuti vasamira.

9 Uye zvinodikanwa, zviri zviviri nzombe diki, nemakondohwe, nemakwayana, zvezvipo zvinopiswa zvaMwari wekumatenga, gorosi, munyu, waini, nemafuta, zvichienderana nekureva kwevapristi vari paJerusarema, ngazvipiwe kwavari zuva nezuva pasina kushaya hanya;

10 kuti vape zvibairo zvehwema hunotapira kuna Mwari wekumatenga, uye vachinyengeterera upenyu hwamambo nehwevanakomana vake.

11 Zvino mutemo wamiswa neni, kuti ani nani anoshandura shoko iri, danda ngaribviswe paimba yake, uye asimudzwa, ngaaroverwe pamusoro paro; neimba yake ngaiitwe dutu rendove nekuda kweizvozvi.

12 Zvino Mwari wakaita kuti zita rake rigarepo ngaaparadze mambo upi neupi kana vanhu vachaisa ruoko rwavo kushandura nekuparadza imba iyi yaMwari iri paJerusarema. Ini Dhariyasi ndakamisa mutemo; ngazviitwe nekukurumidza.

13 Ipapo Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, Shetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, vakaita saizvozvo nekukurumidza zvichienderana neizvo Dhariyasi mambo zvaaiva atuma.

14 Zvino vakuru vevaJudha vakavaka ndokubudirira kubudikidza nechiporofita chaHagai muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho. Zvino vakavaka ndokupedza zvichienderana nemutemo waMwari waIsraeri, uye zvichienderana nemutemo waKoreshi, naDhariyasi, naAritakiserikisi mambo wePerisiya.

15 Zvino imba iyi yakapedzwa nezuva retatu remwedzi weAdhari raiva riri gore retanhatu rekutonga kwaDhariyasi mambo.

16 Zvino vana vaIsraeri, vapristi, nevaRevhi, nevamwe vevana veutapwa vakaita kutsaurwa kweimba iyi yaMwari nemufaro.

17 Zvino vakapa pakutsaurwa kweimba iyi yaMwari nzombe zana, makondohwe mazana maviri, makwayana mazana mana; uye nhongo dzembudzi gumi nembiri dziri chipo chezvivi chaIsraeri wose zvichienderana neuwandu hwemarudzi aIsraeri.

18 Zvino vakamisa vapristi pazvikamu zvavo, nevaRevhi pamapoka avo, pashumiro yaMwari iri paJerusarema, sezvazvakanyorwa pabhuku raMozisi.

19 Zvino vana veutapwa vakaita pasika neregumi nemana remwedzi wekutanga.

20 Nokuti vapristi nevaRevhi vaiva vazvinatsa pamwe, vose vavo vaiva vakachena; zvino vakabaira pasika vana vose veutapwa nehama dzavo vapristi, naivo vamene.

21 Saizvozvo vana vaIsraeri, avo vakadzoka pautapwa nevose vakazvitsaurira kwavari kubva pakusachena kwemarudzi epanyika, kuti vatsvake Jehovha Mwari waIsraeri, vakadya.

22 Zvino vakaita mutambo wechingwa chisina kuviriswa mazuva manomwe nemufaro, nokuti Jehovha waiva avafadza, ndokutendeusira kwavari moyo wamambo weAsiriya, kuti asimbise maoko avo pabasa reimba yaMwari, Mwari waIsraeri.