ShonaTeam Ezra « 5 »

Kuenderera mberi kwebasa rekuvaka tembere

5Zvino vaporofita, Hagai muporofita, naZekariya mwanakomana waIdho, vakaporofita kuvaJudha vaiva paJudha nepaJerusarema, muzita raMwari waIsraeri pamusoro pavo.

2 Ipapo kwakasimuka Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, ndokutanga kuvaka imba yaMwari iri paJerusarema, uye pamwe navo vaporofita vaMwari vaivabatsira.

3 Panguva iyoyo kwakauya kwavari Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, naShetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, ndokureva seizvi kwavari: Ndiani wakakurairai kuvaka imba iyi nekupedzisa rusvingo urwu?

4 Ipapo vakavaudza seizvi: Ndeapi mazita evarume vakavaka chivakwa ichi.

5 Asi ziso raMwari wavo raiva pamusoro pevakuru vevaJudha, kuti havana kuvamisa, kusvika nyaya yasvika kuna Dhariyasi. Ipapo vakadzosera tsamba maererano nechinhu ichi.

6 Chikoponorwa chetsamba Tatenai mutongi mhiri kwerwizi, naShetari-Bhozenayi, nevafambidzani vake, VaAfarishaki vaiva mhiri kwerwizi, yavakatumira kuna Dhariyasi mambo.

7 Vakatumira tsamba kwaari mairi maiva makanyorwa seizvi:

Kuna Dhariyasi mambo, rugare rwose.

8 Ngazvizikanwe kuna mambo kuti takaenda kudunhu rekwaJudha, kuimba yaMwari mukuru, uye yakavakwa nemabwe makuru, nematanda akaiswa pazvidziro, uye basa iri rinoitwa nekukurumidza uye rinobudirira muruoko rwavo.

9 Ipapo takabvunza vakuru avo, tikataura kwavari seizvi: Ndiani wakaisa murairo kwamuri wekuvaka imba iyi nekupedzisa rusvingo urwu?

10 Uye takavabvunzawo mazita avo, kuti tikuzivisei, kuti tinyore mazita evarume vari misoro yavo.

11 Zvino saizvozvi vakadzosa shoko kwatiri vachiti: Isu tiri varanda vaMwari wekumatenga nepasi, tinovaka imba yaiva yakavakwa makore mazhinji awa akapfuura, iyo mambo mukuru waIsraeri yaakavaka akapedza.

12 Asi shure kweizvozvo madzibaba edu akatsamwisa Mwari wekumatenga, iye akavapa muruoko rwaNebhukadhenezari mambo weBhabhironi, muKaradhiya; uyo wakaparadza imba ino, ndokutapira vanhu kuBhabhironi.

13 Asi mugore rekutanga raKoreshi mambo weBhabhironi, mambo Koreshi wakamisa murairo wekuvaka imba iyi yaMwari.

14 Nemidziyowo yegoridhe nesirivha yeimba yaMwari, Nebhukadhinezari yaakatora kubva mutembere yaiva paJerusarema, ndokuuya nayo kutembere yeBhabhironi, iyo mambo Koreshi wakabudisa mutembere yeBhabhironi, ndokupiwa wainzi Sheshibhazari, waakaita mutongi.

15 Zvino wakati kwaari: Tora midziyo iyi, enda ugonoiburusira mutembere iri paJerusarema, uye imba yaMwari ngaivakwe panzvimbo yayo.

16 Ipapo uyu Sheshibhazari wakauya, akateya nheyo dzeimba yaMwari iri paJerusarema; zvino kubva panguva iyo kusvika ikozvino yaivakwa, asi haina kupera.

17 Naizvozvo zvino, kana zvakanaka kuna mambo, ngavanzvere muimba yefuma yamambo iripo paBhabhironi, kana zviri zvakadaro, kuti mutemo wakaitwa namambo Koreshi kuvaka imba ino yaMwari paJerusarema, mambo agotuma kwatiri kuda kwake pamusoro pechinhu ichi.