ShonaTeam Ezra « 4 »

VaSamariya vanoedza kuvadzivisa kuvaka tembere

4Vavengi vaJudha naBhenjamini pavakanzwa kuti vana veutapwa vavakira Jehovha Mwari waIsraeri tembere,

2 ndokuswedera kuna Zerubhabheri, nekuvakuru vemadzibaba, ndokuti kwavari: Ngativake nemwi, nokuti tinotsvaka Mwari wenyu semwi; uye tinomubaira kubva pamazuva aEsari-Hadhoni mambo weAsiriya wakatikwidza pano.

3 Asi Zerubhabheri naJeshuwa nevamwe vevakuru vemadzibaba aIsraeri vakati kwavari: Hazvisi zvenyu nesu kuvakira Mwari wedu imba; asi tisu toga tichavakira Jehovha Mwari waIsraeri, mambo Koreshi mambo wePerisiya sezvaakatiraira.

4 Zvino zvakaitika vanhu venyika iyo vashaisa simba maoko evanhu vaJudha, ndokuvatambudza pakuvaka.

5 Zvino vakavahaira varairiri, kunyonganisa chinangwa chavo mazuva ose aKoreshi mambo wePerisiya, uye kusvika pakutonga kwaDhariyasi mambo wePerisiya.

6 Nepakutonga kwaAhasuwerusi, pakutanga kwekutonga kwake, vakanyora mhosva pamusoro pevagari vekwaJudha neJerusarema.

7 Zvino mumazuva aAritakiserikisi, Bhishirami, Mitiredhati, Tabheeri, nevamwe vevafambidzani vake vakanyorera kuna Aritakiserikisi mambo wePerisiya; uye chinyorwa chetsamba chaiva chakanyorwa nechiAramiya, nekududzirwa nechiAramiya.

8 Rehumi murairiri naShimishai munyori vakanyora tsamba maererano neJerusarema kuna Aritakiserikisi mambo nenzira iyi:

9 Ipapo Rehumi murairiri, naShimishai munyori, nevamwe vevafambidzani vake, VaDhinai, nevaAfarisatiki, VaTariperi, VaAfarisi, VaArikevhi, VaBhabhironi, VaShushaniki, VaDhehai, VaErami,

10 nedzimwe ndudzi Asinapari mukuru wakakurumbira dzaakauya nadzo ndokudzigarisa mumaguta eSamariya, nedzimwe mhiri kwerwizi, nepanguva yakadai.

11 Ichi chikoponorwa chetsamba yavakatuma kwaari, kuna Aritakiserikisi mambo: Varanda venyu, varume vari mhiri kwerwizi, nepanguva yakadai.

12 Ngazvizikanwe kuna mambo, kuti vaJudha vakakwira kubva kwamuri kuuya kwatiri vasvika paJerusarema, vanovaka guta rekupanduka uye rakaipa, uye vapedza masvingo, nekugadzirisa nheyo.

13 Ikozvino ngazvizikanwe kuna mambo, kuti kana guta iri rikavakwa, uye masvingo akapera, havangapi mutero, mari yefaniro, nemari yenzira, zvino uchatadzira homwe yemadzimambo.

14 Ikozvino sezvatinodya munyu pamunyu wemuzinda uye zvatisingafaniri kuona kuzvidzwa kwamambo, naizvozvo tatuma tikazivisa mambo;

15 kuti vanzvere pabhuku rezvinyorwa remadzibaba enyu; uye muchawana mubhuku rezvinyorwa, mugoziva kuti guta iri iguta rekupanduka, raitadzira madzimambo nenyika, uye kuti mukati maro vaiti vekumukira kubva mazuva ekare. Guta iri rakaparadzwa nemhaka iyo.

16 Tinozivisa mambo kuti kana guta iri richivakwa, uye masvingo aro achipera, naizvozvi hamungavi nemugove mhiri kwerwizi.

17 Mambo wakatuma mhinduro kuna Rehumi murairiri, naShimishai munyori, nevamwe vevafambidzani vake vanogara muSamariya nevamwe mhiri kwerwizi, achiti: Rugare, uye panguva yakadai.

18 Tsamba yamakatumira kwatiri yaverengwa zvakajeka pamberi pangu.

19 Zvino murairo waiswa neni, zvino vakatsvaka ndokuwana kuti kubva pamazuva ekare guta iri raizvisimudzira kurwisa madzimambo, uye kupandukira nekumukira kwakaitwa mukati maro.

20 Uye madzimambo ane simba akavapo paJerusarema, awo akatonga pamusoro penyika dzose mhiri kwerwizi; nemutero, mari yefaniro, nemari yenzira zvikapiwa ivo.

21 Ikozvino isai murairo kumisa varume ava, kuti guta iri risavakiwa kusvika paiswa murairo neni.

22 Chenjerai ikozvino kuti musashaya hanya pakuita izvi. Sei chakaipa chichikura kutadzira madzimambo?

23 Zvino chikoponorwa chetsamba yamambo Aritakiserikisi chakaverengwa mberi kwaRehumi naShimishai munyori nevafambidzani vake vakaenda nekukurumidza kuJerusarema kuvaJudha, ndokuvamisa nechikuriri nechisimba.

24 Ipapo basa reimba yaMwari iri paJerusarema rakamira; ndokumira kusvika gore rechipiri rekutonga kwaDhariyasi mambo wePerisiya.