ShonaTeam Ezra « 3 »

Vanotanga kuvaka tembere paJerusarema

3Mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vana vaIsraeri vava mumaguta, vanhu vakaungana semunhu umwe paJerusarema.

2 Jeshuwa mwanakomana waJozadhaki ndokusimuka, nehama dzake vapristi, naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, nehama dzake, ndokuvaka aritari yaMwari waIsraeri kuti vape pairi zvipo zvinopiswa, sezvakanyorwa pamurairo waMozisi munhu waMwari.

3 Zvino vakagadzika aritari panheyo dzayo, nokuti kutya kwaiva pamusoro pavo nekuda kwevanhu venyika idzo; zvino vakapa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha pamusoro payo, zvipo zvinopiswa zvemangwanani nezvemadekwani.

4 Vakaitawo mutambo wematumba sezvakanyorwa; uye vakapa zvipo zvinopiswa zuva nezuva neuwandu, setsika, nyaya yezuva nezuva rayo.

5 Uye pashure chipo chinopiswa rinhi narinhi, zvose nezvekugara kwemwedzi nezvemitambo yose yakatarwa yaJehovha yaiva yaitwa mitsvene, uye zveumwe neumwe wakapa nekuzvidira chipo chekuzvidira kuna Jehovha.

6 Kubva pazuva rekutanga remwedzi wechinomwe vakatanga kupa zvipo zvinopiswa kuna Jehovha. Asi tembere yaJehovha yaiva isina kuteyiwa.

7 Vakapawo mari kuvavezi vemabwe nekuvavezi vematanda, uye zvekudya nezvekunwa nemafuta vakapa kuvaSidhoni nekuvaTire, kuti vauye nemiti yemisidhari kubva kuRebhanoni kuuya pagungwa reJopa, zvichienderana netendero yaKoreshi mambo wePerisiya maererano navo.

8 Zvino mugore rechipiri rekusvika kwavo paimba yaMwari paJerusarema, mumwedzi wechipiri, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshuwa mwanakomana waJozadhaki, nevakasara vehama dzavo vapristi nevaRevhi, nevose vaiva vauya kuJerusarema vachibva muutapwa vakatanga, ndokumisa vaRevhi kubva ane makore makumi maviri zvichikwira kutungamirira basa reimba yaJehovha.

9 Zvino kwakamira Jeshuwa, vanakomana vake, nehama dzake, Kadhimieri nevanakomana vake, vanakomana vaJudha, semunhu umwe, kutungamirira vaiti vebasa muimba yaMwari: Vanakomana vaHenadhadhi, vanakomana vavo, nehama dzavo vaRevhi.

10 Vavaki vakati vateya nheyo dzetembere yaJehovha, vakamisa vapristi vakapfeka, vane hwamanda, nevaRevhi vanakomana vaAsafi vane makandira, kuti varumbidze Jehovha, zvichitevera maoko aDhavhidhi mambo waIsraeri.

11 Zvino vakaimba pamwe nemapoka pakurumbidza nekupa kuvonga kuna Jehovha vachiti: Nokuti wakanaka, nokuti ngoni dzake dziripo nekusingaperi kuna Israeri. Vanhu vose ndokudanidzira nekudanidzira kukuru pakurumbidza Jehovha; nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzaiva dzateyiwa.

12 Asi vazhinji vevapristi nevaRevhi, nevakuru vemadzibaba, nevatana vaiva vaona imba yekutanga, nheyo dzeimba iyi padzaiva dzateyiwa pamberi pemeso avo, vakachema misodzi neinzwi guru; asi vazhinji vakasimudza inzwi mukudanidzira nemufaro;

13 zvekuti vanhu vakatadza kuziva inzwi rekudanidzira kubva painzwi rekuchema kwevanhu; nokuti vanhu vakadanidzira nekudanidzira kwemufaro mukuru; inzwi ndokunzwikwa kusvika kure-kure.