ShonaTeam Ezra « 1 »

Koreshi mambo wePerisiya anotendera vaJudha kudzokera kunyika yavo

1 Zvakaitika mugore rekutanga raKoreshi mambo wePerisiya, kuti shoko raJehovha rakarehwa nemuromo waJeremiya ripedzisike, Jehovha wakamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisiya kuti apfuudze kudanidzira paushe hwake hwose uyewo nechinyorwa achiti:

2 Ndizvo zvinoreva Koreshi mambo wePerisiya: Jehovha Mwari wekumatenga wakandipa ushe hwose hwenyika, uye iye wakandiraira kumuvakira imba paJerusarema riri paJudha.

3 Ndiani ari pakati penyu wevanhu vake vose, Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwire kuJerusarema riri paJudha, agovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri (ndiMwari) ari paJerusarema.

4 Ani nani wakasara panzvimbo ipi neipi paanogara semutorwa, varume venzvimbo yekwake ngavamubatsire nesirivha, uye negoridhe, uye nenhumbi, uye nemombe, pamwe nezvipo zvekuzvidira, zveimba yaMwari iri paJerusarema.

5 Zvino kwakasimuka misoro yemadzibaba ekwaJudha naBhenjamini, nevapristi, nevaRevhi, neumwe neumwe Mwari waaiva amutsa mweya wake, kuti vakwire kunovaka imba yaJehovha iri paJerusarema.

6 Uye vose vaiva vakavapoteredza vakasimbisa maoko avo nemidziyo yesirivha, negoridhe, nenhumbi, uye nemombe, uye nezvinhu zvinokosha, kusingaverengwi zvose zvakapiwa nekuzvidira.

7 Mambo Koreshi ndokubudisa midziyo yeimba yaJehovha, Nebhukadhinezari yaaiva abudisa paJerusarema ndokuiisa muimba yavamwari vake.

8 Izvozvo Koreshi mambo wePerisiya ndokudzibudisa neruoko rwaMitiredhati mubati wehomwe, ndokudziverengera kuna Sheshibhazari muchinda waJudha.

9 Zvino uhwu uwandu hwavo: Ndiro makumi matatu dzegoridhe, ndiro churu dzesirivha, mapanga makumi maviri nemapfumbamwe,

10 mbiya makumi matatu dzegoridhe, dzimwe mbiya dzesirivha mazana mana negumi, imwe midziyo churu.

11 Midziyo yose yegoridhe neyesirivha yaiva zvuru zvishanu nemazana mana. Zvose Sheshibhazari wakazvikwidza pamwe neavo vakakwidzwa pakutapwa vachibva kuBhabhironi kuenda kuJerusarema.