ShonaTeam 2 Chronicles « 36

Jehoahazi naJehoyakimu naJehoyakini madzimambo aJudha

36Zvino vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, ndokumugadza kuva mambo pachinzvimbo chababa vake paJerusarema.

2 Jehoahazi waiva nemakore makumi maviri nematatu paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu paJerusarema.

3 Mambo weEgipita ndokumubvisa paJerusarema, ndokuripisa nyika matarenda zana esirivha netarenda regoridhe.

4 Mambo weEgipita ndokugadza Eriyakimi munin'ina wake kuva mambo pamusoro paJudha neJerusarema, ndokushandura zita rake kuva Jehoyakimu. Neko ndokutora munin'ina wake Joahazi, ndokumuisa kuEgipita.

5 Jehoyakimu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema; ndokuita zvakaipa pameso paJehovha Mwari wake.

6 Kwakakwira kumurwisa Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ndokumusunga nemaketani ematare kumuisa kuBhabhironi.

7 Nebhukadhinezari wakauisa imwe yemidziyo yeimba yaJehovha kuBhabhironi ndokuiisa mutembere yake kuBhabhironi.

8 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoyakimu, nezvinyangadzo zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha. Jehoyakini mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

9 Jehoyakini waiva nemakore masere paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu nemazuva gumi paJerusarema; ndokuita zvakaipa pameso paJehovha.

10 Zvino pakudzoka kwegore, mambo Nebhukadhinezari wakatuma nhume ndokuuya naye kuBhabhironi, pamwe nemidziyo inoshuvika yeimba yaJehovha, ndokuita munin'ina wake Zedhekia mambo pamusoro paJudha neJerusarema.

Zedhekia mambo wekupedzisira waJudha

11 Zedhekia waiva nemakore makumi maviri nerimwe paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema.

12 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi paJeremiya muporofita, waitaura kubva mumuromo waJehovha.

Nebhukadhinezari anoputsa Jerusarema nekutapa vaJudha

13 Uye wakamukirawo mambo Nebhukadhinezari waiva amupikisa naMwari; asi wakaomesa mutsipa wake, ndokusimbisa moyo wake zvekuti haana kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsraeri.

14 Uye vakuru vose vevapristi nevanhu vakadarika zvikuru sezvinyangadzo zvose zvevahedheni, ndokusvibisa imba yaJehovha yaaiva aita tsvene paJerusarema.

15 Zvino Jehovha Mwari wemadzibaba avo wakatuma mashoko kwavari neruoko rwenhume dzake, achimuka mangwanani achituma, nokuti waiva netsitsi nevanhu vake uye nenzvimbo yake yekugara.

16 Asi vaiseka nhume dzaMwari, ndokuzvidza mashoko ake, ndokusveveredza vaporofita vake, kusvika hasha dzaJehovha dzamukira vanhu vake, kusvika pasisina kurapika.

17 Naizvozvo wakakwidza pavari mambo wevaKaradhiya uyo wakauraya majaya avo nemunondo muimba yavo tsvene; uye haana kunzwira tsitsi jaya kana musikana, munhu mukuru kana mutana; wakapa vose muruoko rwake.

18 Nemidziyo yose yeimba yaMwari, mikuru nemidiki, nefuma yeimba yaJehovha, nefuma yamambo neyemachinda ake, zvose wakauisa kuBhabhironi.

19 Zvino vakapisa imba yaMwari, ndokuputsa rusvingo rweJerusarema, nemizinda yayo yose vakapisa nemoto, ndokuparadza midziyo yayo yose inoshuvika.

20 Zvino avo vakasara pamunondo wakavatapira kuBhabhironi, kwavakava varanda kwaari nevanakomana vake, kusvika kwava pakutonga kweushe hwePerisia;

21 kuzadzisa shoko raJehovha, mumuromo waJeremiya, kusvika nyika yafarira masabata ayo; mazuva ose ekuparadzwa vakachengeta sabata, kusvika pakuzara kwemakore makumi manomwe.

Koreshi mambo wePerisiya unotendera vaJudha kudzoka

22 Zvino mugore rekutanga raKoreshi mambo wePerisiya, kuti shoko raJehovha rarehwa nemuromo waJeremiya ripedzisike, Jehovha akamutsa mweya waKoreshi mambo wePerisiya, wakapfuudza inzwi nepaushe hwake hwose, uyewo mukunyora, achiti:

23 Ndizvo zvinoreva Koreshi mambo wePerisiya: Jehovha Mwari wekumatenga wakandipa ushe hwose hwenyika, uye iye wakandiraira kumuvakira imba paJerusarema riri paJudha. Ndiani ari pakati penyu wevanhu vake vose? Jehovha Mwari wake ngaave naye, uye ngaakwire.