ShonaTeam 2 Chronicles « 35 »

Josiya anoitira Jehovha pasika

35Zvino Josiya wakaitira Jehovha pasika paJerusarema; zvino vakauraya pasika nezuva regumi nemana remwedzi wekutanga.

2 Zvino wakagadza vapristi pafaniro dzavo, ndokuvakurudzira pashumiro yeimba yaJehovha.

3 Ndokuti kuvaRevhi vaidzidzisa Israeri wose, vaiva vatsvene kuna Jehovha: Isai areka tsvene muimba Soromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsraeri yaakavaka; hausisiri mutoro pamafudzi enyu. Ikozvino shumirai Jehovha Mwari wenyu, nevanhu vake Israeri.

4 Zvino zvigadzirei, nedzimba dzemadzibaba enyu, zvichienderana nemapoka enyu, zvichienderana nechinyorwa chaDhavhidhi mambo waIsraeri, uye zvichienderana nechinyorwa chaSoromoni mwanakomana wake.

5 Zvino mirai panzvimbo tsvene zvichienderana nezvikamu zveimba yemadzibaba ehama dzenyu, vanakomana vevanhu, nechikamu cheimba yababa vevaRevhi.

6 Zvino urayai pasika, uye muzviite vatsvene, mugogadzirira hama dzenyu; kuti muite zvichienderana neshoko raJehovha neruoko rwaMozisi.

7 Zvino Josiya wakapa kuvana vevanhu boka remakwayana nembudzana, zvose zviri zvezvipo zvepasika, zvevose vaivapo kuuwandu hwezvuru makumi matatu, uye nzombe zvuru zvitatu; izvi zvakabva pafuma yamambo.

8 Machinda ake akapawo nechido kuvanhu, kuvapristi, nekuvaRevhi. Hirikiya, naZekariya, naJehieri, vatungamiriri veimba yaMwari vakapa vapristi zviri zvezvipo zvepasika, mbudzana zvuru zviviri nemazana matanhatu, nenzombe mazana matatu.

9 NaKonaniya, naShemaya, naNetaneri, hama dzake, naHashabhia, naJeyieri, naJozabhadhi, vakuru vevaRevhi, vakapa kuvaRevhi zviri zvezvipo zvepasika, mbudzana zvuru zvishanu, nenzombe mazana mashanu.

10 Naizvozvo shumiro yakagadzirwa, vapristi ndokumira panzvimbo dzavo, nevaRevhi pamapoka avo, zvichienderana nemurairo wamambo.

11 Zvino vakauraya pasika, vapristi ndokusasa ropa kubva muruoko rwavo, uye vaRevhi vakavhiya.

12 Zvino vakabvisa zvipo zvinopiswa, kuti vape zvinoenderana nezvikamu zvedzimba dzemadzibaba evanakomana vevanhu, kuti vape kuna Jehovha, sezvakanyorwa mubhuku raMozisi. Saizvozvowo nenzombe.

13 Zvino vakagocha pasika nemoto zvichienderana nechimiso; asi zvinhu zvitsvene vakabika mudzihari nemumakate nemumakango, ndokukurumidza kuisa pakati pevana vevanhu vose.

14 Zvino pashure vakazvigadzirira ivo nevapristi; nokuti vapristi vanakomana vaAroni vaiva pakupa zvipo zvinopiswa nemafuta kusvika pausiku, naizvozvo vaRevhi vakazvigadzirira ivo nevapristi vanakomana vaAroni.

15 Nevaimbi vanakomana vaAsafi vaiva panzvimbo yavo, zvichienderana nemurairo waDhavhidhi, naAsafi, naHemani, naJedhutuni muoni wamambo; nevarindi vemasuwo vaiva pasuwo rimwe nerimwe; zvaiva zvisiri zvavo kubva pashumiro yavo, nokuti hama dzavo vaRevhi dzakavagadzirira.

16 Naizvozvo shumiro yose yaJehovha yakagadzirirwa pazuva iro, kuita pasika, nekupa zvipo zvinopiswa pamusoro pearitari yaJehovha zvichienderana nemurairo wamambo Josiya.

17 Zvino vana vaIsraeri vaivapo vakaita pasika panguva iyo, nemutambo wezvingwa zvisina mbiriso mazuva manomwe.

18 Zvino hakuna kumboitwa pasika yakaita seiyi kwaIsraeri kubva pamazuva emuporofita Samueri; uye madzimambo ose aIsraeri haana kuita pasika yakadaro Josiya seyaakaita, nevapristi, nevaRevhi, naJudha wose, naIsraeri vaivapo, nevagari veJerusarema.

19 Mugore regumi nemasere rekutonga kwaJosiya, pasika iyi yakaitwa.

Josiya anourawa pakurwa naNeko mambo weEgipita

20 Shure kweizvi zvose, Josiya paakagadzira imba, Neko mambo weEgipita wakakwira kunorwa naKarikemishi paEfurati; Josiya ndokubuda kumurwisa.

21 Asi iye wakatuma nhume kwaari, achiti: Ndinei newe, mambo waJudha? Handina kukurwisa iwe nhasi, asi ndinorwisa imba yandine hondo nayo, nokuti Mwari wakati ndikurumidze; rega iwe kupikisa Mwari aneni kuti asakuparadza.

22 Asi Josiya haana kutendeusa chiso chake kubva kwaari, asi wakazvivanza chimiro kuti arwe naye, uye haana kuteerera kumashoko aNeko akabva pamuromo waMwari, asi wakauya kuzorwa mumupata weMegidho.

23 Zvino vapfuri vakapfura mambo Josiya; mambo ndokuti kuvaranda vake: Ndibvisei, nokuti ndarwadziwa zvikuru.

24 Zvino varanda vake vakamubvisa mungoro iyo, ndokumuisa mungoro yechipiri yaaiva nayo, ndokuuya naye kuJerusarema; iye ndokufa, ndokuvigwa kumakuva emadzibaba ake. Judha wose neJerusarema ndokuchema pamusoro paJosiya.

25 Zvino Jeremiya wakaitira Josiya mariro; nevarume vaimbi vose nevakadzi vaimbi vakataura zvaJosiya mumariro avo kusvika zuva rino, ndokuaita chimiso kwaIsraeri; zvino tarira, akanyorwa mumariro.

26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJosiya, nekunaka kwake zvichienderana nezvakanyorwa pamurairo waJehovha,

27 nenyaya dzake dzekutanga nedzekupedzisira, tarira, dzakanyorwa mubhuku remadzimambo aIsraeri naJudha.