ShonaTeam 2 Chronicles « 34 »

Josiya mambo waJudha anogadzira tembere nekudzosa vanhu kuna Jehovha

34Josiya waiva nemakore masere paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore makumi matatu nerimwe.

2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, ndokufamba nenzira dzaDhavhidhi baba vake; uye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

3 Nokuti pagore rerusere rekutonga kwake achiri mudiki, wakatanga kutsvaka Mwari waDhavhidhi baba vake; uye pagore regumi nemaviri wakatanga kunatsa Judha neJerusarema achibvisa nzvimbo dzakakwirira nematanda ekunamata nawo nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa.

4 Vakaputsa aritari dzavana Bhaari pamberi pake; nearitari dzezuva dzaiva padziri pakakwirira wakadzitemera pasi; nematanda ekunamata nawo nemifananidzo yakavezwa nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa wakaputsa-putsa ndokuita guruva ndokuzviparadzira pamusoro pemakuva eavo vaibaira kwazviri.

5 Zvino wakapisa mapfupa evapristi pamusoro pearitari dzavo, ndokunatsa Judha neJerusarema.

6 Nemumaguta aManase naEfuremu naSimioni, kusvikawo paNafutari, mumatongo awo mativi ose,

7 wakaputsa dziaritari nematanda ekunamata nawo, nekukuya zvifananidzo zvakavezwa kusvika zvava upfu, akatemera pasi aritari dzose dzezuva panyika yose yaIsraeri, ndokudzokera kuJerusarema.

8 Zvino mugore regumi nesere rekutonga kwake, anatsa nyika neimba, wakatuma Shafani mwanakomana waAzariya, naMaaseya mubati weguta, naJoa mwanakomana waJoahazi munyori wenhoroondo, kugadzira imba yaJehovha Mwari wake.

9 Pavakasvika kuna Hirikiya mupristi mukuru, vakapa mari yaiva yaiswa muimba yaMwari, iyo vaRevhi vaichengeta mikova yavaiva vaunganidza muruoko rwaManase naEfuremu nekuvakasara vose vaIsraeri nekuna Judha wose naBhenjamini, nevagari veJerusarema.

10 Zvino vakapa muruoko rwevaiti vebasa vaiva vamisirwa imba yaJehovha; ivo ndokuipa kuvaiti vebasa vaishanda muimba yaJehovha kuti vagadzire uye vasimbise imba.

11 Vakaipawo kuvavezi nevavaki kuti vatenge mabwe akavezwa nematanda ekubatanidza kuwadza mapuranga edzimba madzimambo aJudha dzaaiva aparadza.

12 Zvino varume vakashanda nekuvimbika pabasa; uye vatariri pamusoro pavo vaiva Jahati naObhadhiya, vaRevhi vevanakomana vaMerari, naZekariya naMeshurami, vevanakomana vevaKohati, kuita sevarairidzi; nevaRevhi, vose vainzwisisa pamidziyo yerwiyo.

13 Uye vaiva pamusoro pevatakuri vemitoro, nevatariri veupi neupi waiita basa reshumiro neshumiro; uye kuvaRevhi kwaiva nevanyori nevabati nevachengeti vemikova.

14 Zvino pakubudisa kwavo mari yakauiswa muimba yaJehovha, Hirikiya mupristi wakawana bhuku remurairo waJehovha, wakapiwa neruoko rwaMozisi.

15 Hirikiya ndokupindura ndokuti kuna Shafani munyori: Ndawana bhuku remurairo muimba yaJehovha. Hirikiya ndokupa bhuku kuna Shafani.

16 Zvino Shafani wakauya nebhuku kuna mambo, ndokudzosawo shoko kuna mambo, achiti: Zvose zvapiwa muruoko rwevaranda venyu vari kuita.

17 Uye vadurura mari yakawanikwa muimba yaJehovha, ndokuipa muruoko rweavo vakagadzwa nemuruoko rwevaiti vebasa.

18 Zvino Shafani munyori wakaudza mambo achiti: Hirikiya mupristi wandipa bhuku. Shafani ndokuverenga mariri pamberi pamambo.

19 Zvino zvakaitika pakunzwa kwamambo mashoko emurairo kuti wakabvarura nguvo dzake.

20 Mambo ndokuraira Hirikiya, naAhikami mwanakomana waShafani, naAbhidhoni mwanakomana waMika, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, achiti:

21 Endai munobvunza pachinzvimbo changu kuna Jehovha uye pachinzvimbo chevakasara kwaIsraeri nekwaJudha maererano nemashoko ebhuku rawanikwa; nokuti ihuru hasha dzaMwari dzinodururwa pamusoro pedu, nekuda kwekuti madzibaba edu haana kuchengeta shoko raJehovha kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwa mubhuku iri.

22 Zvino Hirikiya nevaiva vamambo vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTokihati, mwanakomana waHazira, muchengeti wenguvo. Zvino iye waigara paJerusarema mumupanda wepiri. Zvino vakataura kwaari seizvi.

23 Iye ndokuti kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Udzai munhu wakakutumai kwandiri:

24 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo iyi, nepamusoro pevagari vepo, kutuka kose kwakanyorwa mubhuku iri ravakaverenga pamberi pamambo waJudha.

25 Nekuda kwekuti vakandisiya, ndokupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira kune vamwe vamwari, kuti vanditsamwise nemabasa ose emaoko avo, naizvozvo hasha dzangu dzichadururwa pamusoro penzvimbo ino, uye hadzingadzimwi.

26 Asi kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, muchareva seizvi kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Maererano nemashoko awakanzwa,

27 nokuti moyo wako munyoro, uye wazvininipisa pamberi paMwari pawanzwa mashoko ake anorwisa nzvimbo ino uye anorwisa vagari vayo, uye wazvininipisa pamberi pangu, ndokubvarura nguvo dzako, ndokuchema misodzi pamberi pangu, neniwo ndanzwa, anoreva Jehovha.

28 Tarira, ndichakuunganidza kumadzibaba ako, uye uchaunganidzwa kuguva rako nerugare, uye meso ako haangaoni zvakaipa zvose zvandichauisa panzvimbo ino, nepamusoro pevagari vayo. Naizvozvo vakadzosa shoko kuna mambo.

29 Mambo ndokutuma vanhu ndokuunganidza vakuru vose vaJudha neJerusarema.

30 Zvino mambo wakakwira muimba yaJehovha, nevarume vose vaJudha, nevagari veJerusarema, nevapristi, nevaRevhi, nevanhu vose, kubva kumukuru kusvikawo kumudiki; iye ndokuverenga munzeve dzavo mashoko ose ebhuku resungano raiva rawanikwa muimba yaJehovha.

31 Zvino mambo wakamira panzvimbo yake, ndokuita sungano pamberi paJehovha, kufamba achitevera Jehovha, nekuchengeta mirairo yake, nezvipupuriro zvake, nezvimiso zvake, nemoyo wake wose uye nemweya weupenyu wake wose, kuita mashoko esungano akanyorwa mubhuku iri.

32 Zvino wakamisa vose vaivapo muJerusarema naBhenjamini. Vagari veJerusarema ndokuita zvichienderana nesungano yaMwari, Mwari wemadzibaba avo.

33 Zvino Josiya wakabvisa zvinyangadzo zvose kubva munyika dzose dzaiva dzevana vaIsraeri, ndokuita kuti wose wakawanikwa kwaIsraeri ashumire, ashumire Jehovha Mwari wavo. Mazuva ake ose havana kutsauka pakutevera Jehovha Mwari wemadzibaba avo.